Peter Matika
MURUME ane makore 23 ekuberekwa wekuFilabusi akatongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri mushure mekunge iye nemumwe wake vatyisidzira vanhu vaviri vakaroorana pamba pavo, ndokuzobata mukadzi wacho chibharo vachichinjana vachimutyisidzira nepfuti.
Murume uyu akawanikwa aine mhosva yekubata chibharo nekuba nedare reGwanda Regional Court, ndokutongerwa makore mashanu ekuba nemakore gumi nemashanu ekubata chibharo, zvichiita kuti agare mujeri kwemakore makumi maviri.
National Prosecuting Authority of Zimbabwe (NPAZ) inoti mumwe akapara mhosva pachiitiko ichi achiri kutsvagwa uye haasati abatwa.
Dare rakanzwa kuti musi wa14 Kurume 2026, varume vaviri ava, vaine pfuti diki (pistol) nedemo, vakapinda pamba pavaiva nechinangwa chekuba kuSukhasimbe Co-operative kuFilabusi, mudunhu reMatabeleland South.
Vaviri ava vakatyisidzira murume nemukadzi wake panguva yavainge vakarara, ndokuzoba zvinhu zvinosanganisira terevhizheni yeSamsung ine saizi ye24-inch, solar panel ye30-watt, mabhatiri matatu e12-volt, michina miviri yekuveura ndebvu, nharembozha mbiri nemari inosvika US$43.
Hukoshi hwezvinhu zvose zvakabiwa wakatarwa paUS$263.
Mushure mekutsvaga zvinhu mumba mose, musungwa uyu nemumwe wake vakadhonzera vaviri ava kunze vachivatyisidzira nepfuti, uko makororo aya akachinjana kubata chibharo mukadzi uyu ane makore makumi maviri nemaviri ekuberekwa.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa, izvo zvakazoita kuti murume uyu abatwe.
Panguva yekutsvaga mumba memusungwa, mapurisa akawana zvimwe zvezvinhu zvakabiwa, zvinosanganisira terevhizheni yeSamsung, bhatiri re12-volt, solar panel ye30-watt, pamwe nemari inosvika US$90.
Mudzimai akabatwa chibharo akaendeswa kuchipatara cheFilabusi District Hospital kuti anoongororwa nanachiremba.
NPAZ yakashora zvakanyanya kushandiswa kwemhirizhonga nekushungurudzwa kwevanhu pabonde panguva yekuba.
“NPAZ inoshora zvikuru zviito zvechisimba nekushungurudzwa pabonde uye yakatsunga kupomera mhosva kune avo vanoita mhosva dzemhirizhonga kuitira kuchengetedza nekusimbisa runyararo nekugara kwakanaka munharaunda dzedu,” inodaro.




