Dalyn Chigwizura
MURUME ane makore 25 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu nekuda kwemhosva yekuedza kuuraya munhu nekumubaya kumusana nepadumbu nebanga mushure mekunge vanetsana nekuda kwebhachi.
Khayalethu Thwala wekuMethodist Village akabatwa nemhosva iyi apo akamiswa mudare reWestern Commonage Courts pamberi pemutongi VaPasipanodya Maturure avo vanove regional magistrate.
Akabvuma mhosva yake uye akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu apo mamwe makore maviri akazosendekwa parutivi nechitsidzo chekuti haapare mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.
Izvi zvichaona achigara mujeri kwemakore matatu.
Muchuchisi, Muzvare Christina Manyika, vakaudza dare kuti Thwala nemumhan’ari havana ukama asi vanogara munzvimbo imwe chete.
Vanoti nemusi wa28 Chivabvu, 2026 nenguva dza11 mangwanani, musungwa akabaya Thabani Moyo (30) nebanga rinoshandiswa mukicheni kamwe chete kumusana nekamwe chete zvakare padumbu apo vakanetsana nekuda kwebhachi raThwala.
Dare rakaudzwa kuti mushure mekunge Thwala apara mhosva iyi akabva atiza kubva pamba pake ndokunohwanda.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvakaita kuti asungwe.
Moyo akazoendeswa kuchipatara kuti anoongororwa nanachiremba pamwe chete nekurapwa.




