Murume (30) opomerwa kuponda baba

Kingstone Mapupu

MURUME wepaPlot 11 papurazi reChinyerere kuKaroi – Comfort Manyonga (30) – ari kutsvagwa nemapurisa nemhosva yekuponda baba vake, Bonface Manyonga (64) nekuda kwechikonzero chisati chazivikanwa.

Matikitivha echikamu cheCriminal Investigations Department (CID) ekuKaroi ari kukumbira kune veruzhinji vanoziva kuna Comfort kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanoti Bonface akawanikwa akafa nemusi wa12 Chikumi aine maronda muviri wese.

“Nemusi uyu, Bonface Manyonga akabva kumba kwemudzimai wake mudiki nenguva dza0600 hours ndokuenda kufarm house uko kunogara mudzimai wake mukuru. Ari ikoko, akatanga kuchenesa imwe yedzimba dzake iyo aida kuisa fodya. Mutumbi waBonface Manyonga   wakazoonekwa nevana vechikoro vaidarika wakazara ropa chinhambwe chinoita mamita matanhatu kubva pamugwagwa weHarare-Chirundu mupurazi rimwe chete iri nemusi wa12 Chikumi nenguva dza0900 hours, ,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa eKaroi Rural pamwe chete neCID.

Mapurisa akaona kuti mutumbi uyu waiva nemaronda akadzika akawanda kusanganisira mumusoro, muhapwa nepadumbu.

“Mutumbi wemurume uyu wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheKaroi District Hospital kunoongororwa nanachiremba. Zvakadai, tinokurudzira kuremekedzwa kweupenyu hwevanhu uyewo tinokumbira kuruzhinji vanoziva kuna Comfort Manyonga kuti vazivise chero mapurisa ari padyo navo sezvo ari kuda kubvunzurudzwa nekuda kwenyaya yemafiro ababa vake uyo akangoshaika pavakawanikwa vakapondwa,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti kungonyangarika kwaComfort musi wakawanikwa baba vake vakapondwa kunotaridza kuti ane chekuita munyaya iyi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *