Yeukai Karengezeka
HARARE inonzi yaita mukurumbira wekupararira kwezvirwere zvepabonde, sezviri kubva kusangano reNational Aids Council (NAC).
Vachitaura kuHopley neChishanu chapfuura, NAC provincial manager, VaAdonijah Muzondiona, vanoti dunhu iri rine vanhu 25 457 vatsva vakabatwa nenjovhera muna2024 apo 7 523 vavo vakambenge vabatwa nezvirwere izvi kumashure.
Izvi zvinopa mucherechedzo unoshungurudza wehuwandu hwenyaya dzenjovhera, kunyanya pakati pevanhu vakura, vane makore 40-44 nemakore 45-49 okuberekwa vakawanda avo vakabatwa nezvirwere izvi kekutanga vanove 3 927 ne3 229.
Vanhukadzi vakawanda vakabatwa nenjovhera mumazera mazhinji, kunyanya pakati pevane makore 45–49 okuberekwa apo 1 844 vavo vakabatwa nezvirwere zvepabonde.
“Kuwedzera kwezvirwere zvepabonde uku kunoratidza dambudziko guru maringe neutano hweveruzhinji muHarare, iro rinoda kutariswa nechimbichimbi pamwe nekutora matanho akaringana,” vanodaro VaMuzondiona.
Kuwanda kwezvirwere zvenjovhera kunonzi kuri kukonzerwa nezvinhu zvakasiyana-siyana zvinosanganisira kusazvibata panyaya dzine chekuita nebonde, kusashandiswa kwemakondomu uye kusava neruzivo kune mamwe mapoka evanhu.
Kunyange hazvo budiriro yakaitwa mukurwisa kupararira kweHIV neAIDS, apo Harare yakazadzikisa zvinangwa zveUNAIDS 95-95-95 zvekudzikisa kupararira kwedenda iri, kuwedzera kwezvirwere zvepabonde kunoratidza mikaha padzidziso yezvepabonde pamwe nedziviriro.
Chimwe chiri kukonzera kuparirira kwenjovhera kuwanda kwevanhu munzvimbo dzisina zvikwanisiro zvakasiyana umo munogara mapoka evanhu vanotambura.
Vaive muenzi anoremekedzwa pachiitiko ichi, Gurukota reHarare Metropolitan Provincial Affairs and Devolution – Cde Charles Tawengwa – avo vanga vakamirirwa nemunyori wavo mukuru, VaCosmas Chiringa, vanoti nyaya yekutsigira zvirongwa zvekurwisa kupararira kweHIV neAIDS pamwe nechikamu chose chezveutano uchiri mutoro wakakura.
“Kunyangwe tiine homwe yeNational AIDS Trust Fund, zviri pachena kuti tinofanira kuramba tichivandudza zvirongwa zvedu nekuwedzera rutsigiro senyika,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti pachine zvakawanda zvinoda kuitwa mukuona kuti vana vari kuzvarwa vaine hutachiona hweHIV vakwanisa kuzivikanwa.
VaMuzondiona vanoti mapoka evanhu anosanganisira vakomana nevasikana vechidiki, madzimai echidiki, vanoita mabasa ekutengesa miviri pamwe nevemabhizimusi asina kunyoreswa zviri pamutemo ndivo vamwe vavari kukoshesa muzvirongwa zvekudzivirira kupararira kwezvirwere zvepabonde.
Zvirongwa zvinofambiswa nenharaunda zvakaita seSista2Sista, Brotha2Brotha uye DREAMS zvakakoshawo mukurwisa kupararira kwezvirwere izvi.



