DeMbare yomiswa pamberi pePSL Disciplinary Committee

Abel Ndooka

CHIKWATA cheDynamos FC nemurairidzi wacho, Saul Chamunika, vashevedzwa kuti vazomira pamberi pePSL Disciplinary Committee zvichitevera chiitiko chakaita kuti mutambo wavo neFC Platinum utadze kupera kuMandava Stadium svondo radarika.

DeMbare payaitamba neFC Platinum, vatambi veDynamos vakaramba kupedzisa mutambo uyu apo FC Platinum yainge yapihwa pena izvo zvakaita kuti mutambo uyu uperere panzira.

Naizvozvo, PSL yanyorera kuDeMbare ichiti iuye kuzomira pamberi pekomiti yePSL pamwe chete nemurairidzi wayo, Chaminuka.

“Premier Soccer League yashevedza Dynamos kuti igomira pamberi pePSL Disciplinary Committee zvichitevera kumiswa kwemutambo wavo weCastle Lager Premier Soccer League neFC Platinum wakatambirwa kuMandava Stadium musi wa22 Chikumi 2025.

“Dynamos iri kupomerwa mhosva yekutadzisa kupera kwemutambo uyu uye hunhu husina kunaka hwaiitwa nevarairidzi vechikwata ichi.

“Murairidzi wechikwata ichi, Saul Chaminuka, ashevedzwao zvekare kuti amire pamberi pePSL Disciplinary Committee. Mhosva yake yaari kupomerwa kukanganisa kuti mutambo ufambe zvakanaka, kutadzisa mutambo kupera, hunhu husina kunaka uye kutaura mashoko asina kunaka kuvatori venhau ayo anogona kukanganisa ligi redu, ZIFA, CAF kana FIFA chaiyo.

“Nyaya iyi ichatongwa musi wa8 Chikunguru,” anodaro Kudzai Bare muchinyorwa chakabva kuPSL.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×