Solomon Bhunu
MURUME ane makore 33 okuberekwa wemumusha waMandeji kwaMambo Garahwa, kuChipinge akafa mushure mekubaiwa nebanga neshamwari yake apo vakanetsana pamusoro pekugovana doro rechikokiyana.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nomusi wa29 Ndira munguva dzengwanani.
Akashaya pabotso redoro iri ndiObedience Dhliwayo.
Asst Insp Chinyoka vanoti mapurisa ari kutsvaga Robert Mambwembwe uyo akatiza panzvimbo iyi mushure mekupara mhosva iyi.
Vanoti Dhliwayo naMambwembwe vainwa chikokiyana paMandeji Business Centre apo pakamuka kusanzwisisana pamusoro pekugovana doro iri.
Kusawirirana uku kunonzi kwakasvika pakuti varwisane nezvibhakera apo Mambwembwe anonzi akavhomora banga muhomwe yake, ndokubaya Dhliwayo kamwe chete padumbu.
Dhliwayo akabaiwa nebanga iri zvakadzika padumbo izvo zvakaita kuti ura hwake hubude kunze.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa apo Dhliwayo akabva amhanyiswa kuchipatara cheSt Peter’s Mission Hospital.
Akasvikodarikidzwa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital kwaMutare asi zvisinei akabva afa achiri munzira.
Asst Insp Chinyoka vanokumbira vane ruzivo nekuna Mambwembwe kuti vataurire mapurisa ari padyo navo.
Vanorudzirawo veruzhinji kuti vagadzirise nyaya dzekunetsana kwavo murunyararo, vasaite mhirizhonga uye vachisimbisisa kuti kunetsana pamusoro pedoro hakufanirwe kukonzera kuti munhu arasikirwe neupenyu.




