Murume (37) asungwa aponda mudzimai

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 37 okuberekwa anogara kuGweru akasungwa nemapurisa nemhosva yekuponda mudzimai wake.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti murume uyu — Nhlalo Darlington Baloyi — akasungirwa kuShambrock Mine mumugwagwa Matobo kuLower Gweru nguva pfupi yadarika.

Vanoti mhosva yehumhondi iyi yakaitika kuMkoba 4 muGweru.

“Mapurisa akasunga Nhlalo Darlington Baloyi (37) anobva kuMkonto Village, kuZhombe uyo akanga ari kutsvagwa kubva musi waakapara mhosva iyi. Ari kupomerwa mhosva yekuponda mudzimai wake, Patricia Nyathi (32), uye vaviri ava vakanga vari kugara vese kubva munaZvita gore rapera,” vanodaro.

Vanoti Baloyi akasungwa mushure mekushambadzwa kwakaitwa nemapurisa mumapepanhau, pamadandemutande nekumwe kwakasiyana kuti vaiziva kwaari vataurire mapurisa ari padyo navo.

“Tinofara zvikuru kuti musungwa uyu akabva abatwa mushure memazuva mana ekushambadzwa kwechiziviso ichi. Matikitivha eCriminal Investigations Department (CID) nemapurisa eZRP Mkoba vakakurumidza kuita basa ravo vakanobata musungwa uyu uye ari kutarisirwa kuzopinda mudare munguva pfupi iri kutevera nemhosva yehumhondi,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nemhirizhonga sezvo kakawanda kacho ichigumisira nekukuvara kana kufa kwevanhu.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *