Murume (38) afukunura mutumbi watete achida ringi yemuchato

Arron Nyamayaro

MURUME ane makore 38 okuberekwa anonzi akafukunura mutumbi watete vake avo vakavigwa makore 24 adarika kwaMambo Musana, kuBindura nechinangwa chekuti ange achitora ringi yavo yemuchato.

Challenge Jasi (38) anonzi akashanyira marinda eMermaid Pools Cemetery, mumugwagwa unoenda kuShamva Road achibva afukunura mutumbi watete vake, Rosina Dipazhi, vanova vakavigwa mugore ra2022.

Akabva aisa marangwanda avo musaga husiku ihwohwo ndokuenda kuHarare kunova kwaakazosungwa ainawo.

Paakabvunzurudzwa nemapurisa, Jasi anoti akafukunura marangwanda atete vake nechinangwa chekuti amachenese uye aida ringi yavo yemuchato.

Marangwanda aive musaga iri anosanganisira mapfupa, mbabvu nedehenya. Pamusoro pezvo, musaga iri maive nekapu kana kuti komichi yesimbi, rize benyu nehari.

Muhurukuro nemumwe wehama dzaJasi, Fadzanai Dipazhi, anotsinhira nezvekufa uye kuvigwa kwaRosina kumarinda ari padyo nemugwagwa unoenda kuShamva.

“Hatisati taziviswa nezvekufukunurwa kwakaitwa mutumbi waRosina asi chatinongoziva ndechekuti Rosina akavigwa ikoko muna2022,” anodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, havana kukwanisa kubatika panharembozha yavo kuti vataure pamusoro penyaya iyi.

Zvakadaro, Jasi akatorwa nemapurisa akaendeswa kuHighlands Police Station apo nyaya iyi iri kuferefetwa uye yakavhurirwa dhoketi rine nhamba dzinoti: RRB 695168.

Related Posts

Mutyairi asina chitambi, chidhakwa aurayisa shamwari

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo aityaira Honda Fit akadhakwa uye asina rezinesi rekutyaira, izvo zvakakonzeresa tsaona yakauraya shamwari yake, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu azere uye akarambidzwa kutyaira motokari dzemhando yeClass…

Varidzi vemombe dzinongomberereka nemigwagwa hokoyoyi!

Sikhumbuzo Moyo VANHU vanorega zvipfuyo zvavo zvakadai semombe zvichingomberereka nemumigwagwa mikuru yenyika vachasangana nechirango chakakomba chemutemo sezvo mapurisa ari kusimbaradza matanho ekuderedza tsaona dzinokonzerwa nezvipfuyo zvinofamba zvisina kuchengetedzwa. Mukuru wemapurisa…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×