Lovemore Kadzura
MURUME ane makore 39 okuberekwa, Goodwell Kamunda, akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekuponda shamwarikadzi yake, Felina Kazembe, nekuda kweshanje kwaChiendambuya kwaMambo Makoni, kwaMakoni.
Izvi zvakaitika nemusi wa2 Ndira gore rino, mushure mekunge Kamunda aona kuti Kazembe aive auya nemumwe murume, Blessing Charwadza (26), kumba kwake uko vanonzi vaviri ava vaigara muimba imwe chete.
Kazembe anonzi akasiya Kamunda panzvimbo yemabhizimisi ndokuenda naCharwadza kumba kwake uko vakanorara muimba yake yekubikira.
Manheru iwayo, Kamunda anonzi akazopinda mumba umu ndokunorara padivi paKazembe asingazive kuti Charwadza aivepowo.
Pakasvika amai vaCharwadza kuzotora mwanakomana wavo, fungidziro yaKamunda yakabva yatsinhirwa.
Nehasha, akabva adzingirira Charwadza asi akatadza kumubata.
Paakadzokera muimba yekubikira, Kamunda anonzi akatora chitanda chaive muchoto ndokurova nacho Kazembe muviri wese.
Vavakidzani vakazoziviswa mushure mekunge Kamunda pachake avaudza nezvenyaya iyi, mapurisa ndokuzoshevedzwa panzvimbo iyi.
Kamunda akabva asungwa.
Mashoko ari kubuda anoti rudo rwaKamunda naKazembe rwakanga rwuchingogara paine kunetsana uye kusavimbana sezvo Kazembe aipomerwa kusavimbika.
Kamunda akamiswa pamberi pemutongi wedare reRusape Magistrates Court, Muzvare Barbra Mateko, akatarisana nemhosva yekuponda pasi pemutemo weSection 47(1) weCriminal Law (Codification and Reform) Act (Chapter 9:23), uyo unopa mhosva kuuraya munhu.
Akanzi kana achida bhero anoendesa chikumbiro chake kudare guru reHigh Court.
Kamunda akaendeswa muhusungwa kusvika musi wa26 Ndira apo achadzoka kudare kutongwa kwenyaya yake kuchienderera mberi.
Muchuchisi, Mai Faith Mutukwa vakaudza dare kuti Kamunda anonzi akarwisa Kazembe zvisina tsarukano, ndokumukuvadza zvakaipisisa muviri wake wose.
“Nomusi wa2 Ndira 2026 nenguva dza9 manheru, pamusha waMwendazviuya kwaChiendambuya, kwaMambo Makoni, Goodwell Kamunda anonzi akarova mushakabvu Felani Kazembe, nematanda nechinhu chakapinza chisingazivikanwe musoro, pagumbo rekuruboshwe nemuviri wose.
Mushakabvu akachekwa maronda akadzika kumeso, mumusoro, muviri wose, kuzvimba kusikarudzi uko kwaibuda ropa kwakachekwa kudivi rekurudyi uye ndokutyoka gumbo rekuruboshwe,” vanodaro.
Mai Mutukwa vanoti Kamunda akapedzisira kuonekwa aina Kazembe, uyo airidza mhere achidemberera kuti anoda mvura yekunwa.
Chitanda chaive neropa chinonzi akashandisa mukurovesa Kazembe chakawanikwa.



