Murume (41) apondwa nasahwira nechitsiga chehuni

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 41 okuberekwa wekwaMambo Sogwala, kuLower Gweru akapondwa achiita zvekurohwa nechitsiga chehuni apo akarwiswa nasahwira wake mushure mekunge asvika pamusha pake achitukirira zvinyadzi aine vamwe vake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tine murume akafa achirohwa nechitsiga chemoto kwaMambo Sogwala kuLower Gweru kudunhu redu reMidlands. Akafa anonzi Claudius Chawira. Handsome Maphosa (22) anogara mumusha mumwechete, uyo aiva sahwira wemufi uyu, akatosungwa nekuda kwenyaya yaari kupomerwa yekuponda,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti nemusi wa9 Chivabvu nenguva dza7 manheru, Maphosa aiva muimba yavo yekubikira ari pamba pavo.

“Panguva iyi, Handsome Maphosa anonzi aiva nanatete vake vaviri apo Claudius Chawira naNkosana Mpofu (30) vakasvika pamba apa ndokutanga kushevedzera kuna Handsome Maphosa vachitaura mashoko ezvinyadzi vachiratidza kuti vaiva vakadhakwa zvakadarikidza,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti nekuda kwemaitiro aya, zvakagumbura Maphosa akabva anozvuva chitsiga chemoto chaiva muchoto mumba mavaiva umu ndokutanga kutandanisa varume vaviri ava nemukati merima.

“Handsome Maphosa akabata vaviri ava vatadza kumhanya nekudhakwa ndokutanga kuvarova nechitsiga chehuni ichi miviri yese. Panguva iyi, Chawira zvakamukunda achibva awira pasi, akazomuka mushure mechinguva arohwa zvakaipisisa ndokuenda kumba kwake,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti pazuva rakatevera, Claudius Chawira akafuma ava kurwara zvakadarikidza ndokutakurwa kuendeswa kukiriniki yeMabandla uko akasvika achifa asati abatsirwa.

“Nekuda kwekurohwa uku, murume uyu Claudius Chawira akasvika pakufa.  Tinokurudzira kuti vanhu vasashandise hasha pakutaudzana uyewo vanenge vaona kuti vadhakwa ngavaende kudzimba kwavo vorega kuenda nekumamana kana kutsvaga kutaudzana nevanhu. Tinokurudzirawo vanhu kuti vasiyane nekutora mitemo vachiisa mumaoko avo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti nyaya iyi yakabva yasvitswa kumapurisa, Maphosa achibva asungwa uyer ari kutarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi iri kutevera.

“Nyaya dzekupondana dziri kuwanda zvikuru mudunhu redu reMidlands zviri kuita kuti isu semapurisa tifambe tichidzidzisa ruzhinji kuipa kwakaita kurwisana,” vanodaro Inps Mahoko.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *