Muchaneta Chimuka
MURUME wekuChitungwiza, VaDavid Mandiwenga (41), vanoti vakarasikirwa nemapapu avo ese mushure mekunge vazvisarudzira kuregedza kutora mishonga yavo yemaAntiretroviral Drugs (ARVs) kwemwedzi misere apo vakanga vava kushandisa mishonga yechivanhu.
Izvi zvakazoita kuti vabatwe nechirwere cherurindi uye mapapu avo akapedzisira asisashande izvo zvave kuita kuti vapone nemweya weoxygen wekufemeswa nemushina muchipatara.
Murume uyu ava nemwedzi minomwe izere ari muchipatara cheChitungwiza Central Hospital uye haana tarisiro yekuti angabudamo sezvo pane ipi zvayo nguva anenge achida mweya wekufemeswa uyu.
“Ndiri munhu ane utachiona hweHIV saka pane pandakambosarudza kusiya mishonga yangu yemaARVs nekuti ndainge ndaneta nayo ndichifunga kuti ndimboedza zvemishonga yechibhoyi nezvimwe zvandaingonzwawo nevanhu kuti zvinobatsira. Ipapo ndipo pandakairasa nekuti ndakatanga kunzwa kuzarirwa muchipfuva nemumbabvu. Ndakaenda kuchipatara ndakavhenekwa zvikaonekwa kuti ndine ropa rakagwamba mumapapu. Machiremba akatanga kundipa mishonga yekuti ropa rakagwamba riye ribve asi ndakatanga kurwara zvikuru ndava kubuda mututu usingaperi. Ndakasvika pachidanho chekuwedzerwa ropa zuva nezuva zvinova zvaindidhurira,” vanodaro.
VaMandiwenga vanoti zvakaonekwa kuti vakanga vatova nechirwere cherurindi chiya chisingadairiri mishonga zvichitevera kusiya kwavakaita mishonga yavo yemaARVs.
“Huhwere hwandava nahwo hwava kwekuti nditongoramba ndiri muchipatara muno nekuti ndimo musingaendi magetsi. Kana ndikangoenda kumba ndinotoziva kuti kufa nekuti mweya wekufemeswa uyu unopombewa nemagetsi kana kuti magetsi aya ane simba rinobva muzuva,” vanodaro.
VaMandiwenga vanoenderera mberi vachiti: “Mudzimai wangu akanditiza mushure mekuona kukomba hwehurwere hwangu saka ndakasara nevana vangu vatanhatu vanova vari kukundikana kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari.”
Vanoti vasati vabatwa chirwere chemapapu panguva iyo vaitora mishonga yavo yemaARVs nemazvo, vaive munhu ane utano hwakanaka uye vachigona kushandira mhuri yavo.
“Kumashure uko, ndaimbotora mishonga yangu yemaARVs nemazvo ndichitoshanda muguta reHarare ndichiita mabasa ekusona mbatya ndichiwana mari yakawanda. Dambudziko riripo ndakada kuedza zvimwe pautano hwangu pasina kuudzwa nemachiremba saka ndakazvisikira moto muziso. Asi ndine vimbo yekuti upenyu haugumiri ipapo, chandava kuda kubatsirwa nemweya wekufema wandinozoshandisa ndiri kumba uye midziyo ye‘solar’ inoita kuti ndikwanise kuramba ndiine magetsi anopomba mweya wekufema uchipinda mumuviri mangu. Kana ndikanogara pasina magetsi ndinofa nekuti handichakwanisi kufema ndega kwemaminitsi gumi ndisina magetsi anondibatsira nekudhonzera mweya mandiri,” vanodaro VaMandiwenga.
Vanokurudzira veruzhinji kuti vasasiye kutora mishonga yavo zvisina tsarukano asi kuti vatevedze zvinenge zvataurwa nemachiremba avo kuti vasazopinde mutsekwende yakafanana neyavave nhasi uno.
VaMandiwenga vari kutsvaga rubatsiro rweUS$1 600 yekutenga muchina wekufemesa uye midziyo inoshandisa simba remagetsi anobva muzuva.
Vanoda kuvabatsira vanogona kuvabata panhamba dzeEcocash dzinoti 0786 272 491.
“Kunyangwe vemakambani anogadzira ma‘solar’ vanogona kuzondiisirawo pamba pandinogara, zvese zvinoita. Chandinoda kufema, zvimwe zvese handizvitarisi nekuti ndipo pane upenyu hwangu,” vanodaro.




