Murume (44) arwiswa akabirwa, ndokuzozviuraya

Lovemore Kadzura

MURUME ane makore 44 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare —wekutadza kugamuchira kukuvara kwaakaita mushure mekurwiswa nematsotsi — akazozviuraya izvo zvakasiya vagari vemunzvimbo iyi vasina neremuromo.

Washington Mashingaidze wekwaSabhuku Matika, kwaMambo  Zimunya akazviuraya nekuzvikanda mumugodhi waive pamba pake mushure mekunge audza hama dzake kuti haakwanise kurarama hupenyu hwake hwese achishingirira marwadzo akakonzerwa nekurwiswa kwaakaitwa nemakororo.

Mutauriri wemapurisa kuManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti mutumbi waMashingaidze wakawanikwa mumugodhi zuva raatsakatika pamba.

“Nemusi wa15 Chikumi, 2026 nenguva 5 mangwanani, Mashingaidze akapambwa ndokurwiswa nevanhu vashanu vasingazivikanwe ari mumotokari yemushikashika iyo yaasina kuziva apo aienda kubasa kwake kuClare, kwaOdzi, kwaMutare.

“Aigara achichema-chema kumhuri yake nekukuvara uku achiti haakwanise kurarama akatarisana nemamiriro ezvinhu akadai kweupenyu hwake hwese.

“Musi wa19 Chikumi, 2026 nenguva dza9 mangwanani, Mashingaidze akabva pamba asina kuzivisa munhu. Nekusaziva kuti Mashingaidze aive nepfungwa yekuzviuraya, mhuri yake yakanetseka ndokutanga kumutsvaga.

“Nenguva dza1 masikati emusi uyu, mudzimai waMashingaidze, Nyaradzo Batsiri (42), akaudza dzimwe hama nevagari vemumusha uyu kuti vauye kuzomubatsira kumutsvaga.

“Mutumbi wake wakazoburitswa mumugodhi nevamwe vagari vemumusha uyu, Batsiri akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yechipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital kunoongororwa, kuferefetwa kwenyaya iri kuri kuenderera mberi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Related Posts

Murume (25) aponderwa pabhawa

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 25 okuberekwa wekwaSabhuku Mbombela kwaMambo Malisa kuSilobela, kuKwekwe akapondwa achiita zvekutemwa mumusoro nebhodhoro redoro nemumwe murume pabongozozo remubhawa. Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika panzvimbo…

Mabvazuva Choral Group yazviita zvakare

Abel Ndooka CHIKWATA chenziyo dzechitendero chine mukurumbira cheMabvazuva Choral Group hachisi kudzokera shure murwendo rwekutendeutsa vanhu zvichitevera kubura kwachakaita dambarefu idzva rechipfumbamwe rinonzi ‘Mibvunzo Yenhando’. Dambarefu idzva iri rine nziyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×