Kingstone Mapupu
MURUME ane makore 45 okuberekwa akapondwa mubhawa panzvimbo yemabhizimisi yeMavule, kuZhombe apo ainwa doro svondo rapera mushure mekunetsana nevamwe varume vaviri.
Nyaya iyi yakaitika nemusi wa16 Chivabvu nenguva dza7:30 manheru.
Pane varume vaviri vakatosungwa vachipomerwa kupara mhosva iyi.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Nkululeko Mpofu (45) akabayiwa nebanga ari mubhawa reMabengwani panzvimbo yemabhizimisi yeMavule.
“Murume akazouraiwa uyu, Nkululeko Mpofu, ainwa doro mubhawa reMabengwani ari woga apo vamwe varume vaviri vakapinda, vakabva vatanga kunetsana naye nekuda kwekupokana uko vakamboita kare. Vakatanga kurwisana nezvibhakera, zvakabva zvaita kuti mumwe wevarume vaviri ava aburitse banga rerudzi rweOkapi achibva abaya Mpofu,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti Mpofu akabva atakurwa kuendeswa kuchipatara cheZhombe Mission Hospital uko akasvika achifa achangotanga kubatsirwa nemachiremba nevakoti.
Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa.
“Mapurisa eZRP vakazotanga kufeya vachibva vasunga Njabulo Moyo (21) naProgress Moyo (35), vose vanobva mumusha waSabhuku Mbekiswa kudunhu raMambo Ntabeni kuZhombe. Vaviri ava vari kutarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanokurudzira veruzhinji kugadzirisa nyaya dzavo mune zvakanaka pane kukakavadzana nekurwisana.
“Semapurisa, tiri kushushikana zvikuru nekuda kwekuwanda kwemhosva dzekupondana kudunhu redu reMidlands. Ikurudziro yedu kuti vanhu kana vaine kusawirirana vatsvage vayananisi, vangava mapurisa kana masabhuku nemadzishe,” vanodaro Insp Mahoko.
Kune vane mashoko avanoda kupa kumapurisa ane chekuita nekuparwa kwemhosva kana zvimwe zvakasiyana-siyana, vanokurudzirwa kuridza nhare panhamba dzinoti 0542221073 kana 0778 069 322.



