Nzira dzekurera mhuri dzaishandiswa pasichigare . . . kwaicharikwa makwenzi

Kingstone Mapupu

PASICHIGARE, kunonzi kune nzira dzaishandiswa pakurera mhuri kuti mudzimai asabate pamuviri dzakadai sekucharika makwenzi emiti yakasanangurika nekusungirira mishonga yechivanhu pamafundo ejira idzo dzasiyana nedzemazuva ano dzinosanganisira kunwa mapiritsi.

Nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Bonface Katerera (74), vanobva kwaSabhuku Chisango, kwaMashambanhaka, kuUzumba, vanoti kune nzira dzekurera mhuri dzaishandiswa kare dzaibatsira zvikuru.

“Tine nzira dzakawanda dzaishandiswa nemadzimai pakurera mhuri sezvo kwakanga kusati kwava nemapiritsi anonwiwa mazuva ano aya. Kuti madzimai asaite vana mudurikidzwa — yatinoti gore mwana, gore mwana — pane makwenzi echivanhu aishandiswa. Kwaive nenzira yekusunga mapfundo uye kucharika makwenzi kwaiitwa nemadzimai mukurera mhuri,” vanodaro Sekuru Katerera.

Vanoti kune mapfundo aisungwa pajira rakaita sezambia kana rokwe remudzimai nenguwo yemukati, izvo zvaizoreva kuti huwandu hwemapfundo asungwa ndiwo makore aigara mudzimai asina kubata pamuviri.

“Kune nzira yekusunga mapfundo pajira rinosungwa nemudzimai kana rokwe nepanguwo yemukati. Pamachira aya pakasungwa mapfundo mana kana mashanu, zvinoreva kuti mudzimai uyu achatora makore mana kana mashanu asina kubata pamuviri. Pamapfundo aya, pane mishonga yechivanhu yaiiswapo kuti nzira iyi igone kushanda. Yaiva nzira kwayo yaichengetedza mhuri,” vanodaro Sekuru Katerera.

Vanoti mapfundo emachira aya aisungwawo pamwe chete nemakavi emumwe muti unonzi unoyera, uyo unowanikwa mumasango mazhinji munyika muno.

“Imwe nzira yekurera mhuri kucharika makwenzi kwaiitwa nemadzimai pakati pesango, apo vaiendwa navo nanambuya nemadzisekuru, vosvetuka makwenzi emimwe miti inonzi inoyera. Kana mudzimai achida kuita makore mana asina kubata pamuviri, aisvetukawo kanokwana kana. Makore aigara mudzimai uyu asina kubata pamuviri aifambirana nekusvetuka uko ainge aita gwenzi iri,” vanodaro Sekuru Katerera.

Vanoti pakusvetukwa kwegwenzi iri, chembere pane zvadzaitaura pachivanhu, izvo zvaibva zvabatira kuti madzimai aya asabate pamuviri.

“Makwenzi aisvetukwa aya aisangova emiti yose-yose asi kuti paiva nemiti yaiva yakasanangurwa nevakuru vaiziva chivanhu ichi. Kana mudzimai ava kuda kubata pamuviri, anodzoka pagwenzi iri. Kunyangwe vakawana ratemwa, pane chivanhu chaiitwa kuti achitanga kubata pamuviri. Kazhinji vakawana gwenzi risisipo, kwaingotorwa ivhu repanzvimbo iyi, rosanganiswa nemishonga yemawuchiko,” vanodaro Sekuru Katerera.

Vanoti kunyangwe mudzimai aiwana muti uyu wakurisa zvekutadza kuti ausvetuke, kwaingotorwa zvakare ivhu repamuti uyu roitwa chivanhu naro.

“Madzimai aya aizodzokera onosvetuka gwenzi iri zvinofambirana nekusvetuka uko akamboita pekutanga. Vakawana muti uyu wakura kana kuti watemwa, kwaingotorwa ivhu repo rogadzirwa, madzimai aya onwiswa mvura yacho yevhu nemishonga,” vanodaro Sekuru Katerera.

Vanoti kune nzirawo dzakasiyana dzekuwuchika madzimai dzinoitwa nehunyanzvi kuchishandiswa mishonga yechivanhu.

“Kwava nenzira dzechizvinozvino dzekurera mhuri nekuwuchika madzimai zvisinei kuti kune vamwe vachiri kushandisa nzira dzakare idzi,” vanodaro Sekuru Katerera.

Mashoko avo anotsinhirwa naMbuya Lessie Marovahupo (70) vekwaSabhuku Chimushonga, mudunhu raMambo Chiswiti, kuMt Darwin. Vanoti nzira dzekurera mhuri dzaishandiswa pasichigare dzaive dzisina zvigozhero zvakawanda kana dzichienzaniswa nedzemazuva ano.

“Ichokwadi kune nzira dzakawanda dzechivanhu dzaishandiswa nemadzimai pakurera mhuri pasina dambudziko. Hapana mari yaibuda mumba uyewo zvaiva nehutsanana hwakanaka,” vanodaro Mbuya Marovahupo.

Vanoti madzimai akazvitakura zvakare aingobatsirwa mumisha makare kuburikidza nananyamukuta vaivamo.

“Unyanzvi uhwu huchiriko nevanozvigona variko, kungonyarara zvavo nekuda kwechizvinozvino chakauya. Kune vachiri kutozviita uyewo vananyamukuta varimo mumisha umu,” vanodaro Mbuya Marovahupo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×