Murume (45) azviuraya nekuda kwechikwereti cheUS$200

Leot Mafukashe naSimbarashe Chitsiku

MURUME ane makore 45 okuberekwa wemumusha weSadziwa kwaMambo Mutasa kudunhu reManicaland anonzi akazviuraya kuburikidza nekunwa muchetura unoshandiswa mukuuraya zvipembenene mushure mekunge atadza kubhadhara chikwereti cheUS$200.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi weChitatu svondo rapera.

Vanoti mushakabvu, Lovemore Sibanda, aishanda achiita mabasa emaoko pamwe chete nemumwe wake Tinotenda Rumhungwe (25).

Sibanda naRumhungwe vanonzi vaiita basa ravo remazuva ose vachishandisa mishonga yekufiritisa zvirimwa apo mumwe mugari wemumusha uyu, Mai Dorine Mupandavana, vakasvika pamusha apa vachida kuti Sibanda abhadhare chikwereti chavo cheUS$200.

Sibanda anonzi akasimuka achiti aienda mumba kunotora mari iyi.

Zvisinei, akatora nguva yareba asati adzoka zvakaita kuti Rumhungwe ashushikane.

“Rumhungwe akatevera Sibanda mumba umu ndokumuwana akarara pasi achirutsa zvinhu zveruvara rweblue uye mumba maive makazara nemunhuwi wemushonga” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Padivi pemushakabvu uyu pakawanikwa chigaba chemushonga izvo zvinotaridza kuti akanga anwa muchetura.

Rumhungwe akazivisa vamwe vagari vemumusha uyu, avo vakamhanyira panzvimbo iyi ndokumhanyisa Sibanda kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital uko akasvikoshaya.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa eZRP Penhalonga.

Mapurisa akaongorora mutumbi uyu uye hapana kukuvara kwaonekwa ndokubva wazoendeswa kumochari yechipatara, uko wakamirira kuongororwa nanachiremba.

Asst Insp Chinyoka vanokurudzira veruzhinji kuti kana vaine zvinovanetsa vatsvage vanhu vanovapanga mazano pane kuzviuraya sezvo kuita kwakadai kuchikonzera matambudziko makukutu kuvapenyu vanenge vasara.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *