Murume (48) asungwa nemhosva 20 dzekuba mudzimotokari

Kingstone Mapupu

MURUME wekuBeitbridge anonzi Halbane Moyo (48) akasungwa nematikitivha eCriminal Investigations Department (CID) nekuda kwemhosva makumi maviri dzekuba zvinhu zvakasiyana-siyana mudzimotokari.

Mhosva idzi dzinonzi dzakaparwa kubva muna Zvita gore rapera kusvika musi wa21 Kukadzi gore rino.

Musungwa uyu anonzi aiba zvinhu zvakasiyana mudzimotokari mushure mekuvhura madhoo nemahwindo nechisimba.

Mutauriri wemapurisa echikamu cheCID, Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti vedzimotokari vaibirwa zvinhu zvinosanganisira nhare, laptops nemari.

Vanoti gava rakazodambura musungo nemusi wa22 Kukadzi gore rino apo matikitivha vakawana mashoko ekuti musungwa uyu aiba zvinhu mudzimotokari.

Izvi zvinotevera kubiwa kwakange kwaitwa mari mune imwe motokari nemusi wa21 Kukadzi.

“Matikitivha akaronda murume uyu vachishandisa mashoko avakawana ndokunosunga gororo iri vachibva vawana hydraulic jack, nhare nembatya dzakasiyana nemasub-woofers mukati mezvinhu zvaiva zvabiwa,” vanodaro Det Insp Muteweri.

“Murume uyu akatomira mudare reBeitbridge Magistrates Court nemusi wa23 Kukadzi apo nyaya yake yakadarikidzwa kumberi nekudaro achadzoka zvakare mudare munguva iri kutevera,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanotenda veruzhinji nekubatsira mapurisa nemashoko akaita kuti nhubu iyi isungwe.

“Kune vane mashoko avanoda kusvitsa kumapurisa, vanokurudzirwa kuridza nhare panhamba dzinoti (0242) 703631 kana PGHQ WhatsApp panhamba dzinoti 0712 800 197,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×