Murume (49) atemwa nedemo akafa nekuda kwegirosari rakashaikwa

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 49 ekuberekwa wekuRedcliff, kuKwekwe akatemwa nedemo ndokufa mushure mekunetsana nemumwewo murume ane ngoro yemombe yaaiva ahaya kuti imutakurire girosari rake apo rimwe racho rakazoshaikwa.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa6 Kubvumbi nenguva dza20:30 hours kuRedcliff.

Akafa mukurwisana uku ndiEllias Kavhumbura Chimusito aigara mumusha weRutendo kuRedcliff.

Anonzi akahaya ngoro yaidhonzwa nemombe kubva kuna Collen Ishmael (27) wekupurazi rePenwarden kuRedcliff kwakare achida kutakurirwa girosari rake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti girosari iri raitakurwa kubva kuRutendo kuenda kupurazi reWentworth.

“Vaviri ava vakabvumirana ndokutakurirana girosari iri nengoro yaidhonzwa nemombe kunosvika kupurazi reWentworth uko Ellias Kavhumbura Chimusito akanoona kuti zvimwe zvinhu zvake zvaisavamo mungoro,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti nekuda kwechikonzero chekushaya rimwe girosari rake, akabva aramba kubhadhara muridzi wengoro iyi achiti zvaifambirana nezvinhu zvake zvaaiva ashaya.

“Collen Ishmael paakabvunzwa nezvegirosari rakashaikwa iri, haana kupa mhinduro inogutsa zvakaita kuti Ellias Kavhumbura Chimusito amutaurire kuti akanga asisagone kumubhadhara kutakura zvinhu apo vakatanga kunetsana. Collen Ishmael akabva atora demo raiva mungoro yake ndokutema naro Chimusito mumusoro nepachirebvu achibva angofa ipapo,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ndokubva vasunga Collen Ishmael musi wakare.

“Collen Ishmael akachengetedzwa nemapurisa nyaya iyi ichifambira mberi nekufeewa uye achimirira kuzoendeswa kumatare nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoenderera mberi vachiti:

“Ikurudziro yedu nguva dzose kuruzhinji kuti vanhu ngavataurirane nekutsvaga vayananisi kana pane zvinonetsa pane kurwisana nekukuvadzana kusvikira pakupondana sezvakaitika izvi.”

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×