Murume (52) tasa nemutoriro

Solomon Bhumu

MURUME ane makore 52 okuberekwa wemusha weGreenside akawanikwa akafa paMunowenyu Business Centre kuSakubva, kwaMutare nomusi weChitatu chapfuura uye mapurisa ane fungidziro huru yekuti rufu urwu rwakakonzerwa nekunwa mutoriro zvakadarikidza.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti mushakabvu ndiAlfred Dzikiti.

Vanoti Dzikiti akabva pamba achida kunoona muroja waambuya vake kuMundembe kuSakubva, asi akazoonekwa achinwa mutoriro uyo unozivikanwa zvakare nekunzi kozodo.

“Dzikiti anonzi akadhakwa zvakanyanyisa ndokuzoonekwa akarara mugoronga,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Munguva dzemasikati, mapurisa eZRP Sakubva akatambira mashoko kubva kuna VaGariremwo Masimira (89) vekwaMazhambe, avo vakanga vaona mutumbi waDzikiti paMunowenyu Business Centre.

Mapurisa akaenda panzvimbo iyi ndokuona kumusana kwemutumbi uyu kwakasvuuka-svuuka.

Mutumbi uyu wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital kunoongororwa nanachiremba.

Asst Insp Chinyoka vanoti kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Vanopawo yambiro kune veruzhinji pamusoro pekuipa kwekunwa doro zvakanyanya, zvikuru doro rinotengeswa mumikoto.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *