Murume (53) otsvagwa mushure mekushaikwa angobva pamba 

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kutsvaga Magora Chirashanye (53) aigara kuMucheke A, kuMasvingo zvichitevera kubva kwaakaita pamba achibva ashaikwa zvachose nguva yadarika.

Chirashanye aigara panhamba 129 Chikumbo kuMucheke.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti murume uyu akangobva pamba nemusi wa25 Kurume gore rino apo asina kuzodzoka.

“Semapurisa, tichishanda nemhuri yaMagora Chirashanye, tinokumbira kuruzhinji kune vanoziva mafambiro akaita murume uyu kuti vatibatsire nemashoko anoita kuti awanikwe,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti Chirashanye ane hurefu huri pakati nepakati nemuviri zvakare wepakati nepakati uye ari mushava.

“Tinokurudzira kune vane ruzivo nemafambiro emurume uyu kuti vaende kumapurisa ari padyo navo kana kutaura naOfficer In-Charge ZRP Chikato, Inspector Shiella Ncube, panhamba dzinoti 0392262137 kana 0772 850 914. Vanogonawo kutaura naInvestigating Officer (IO) Constable Tresia Ndlovu panhamba dzinoti 0775 753 711,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti semapurisa vari kushushikana zvikuru nekushaikwa kuri kuitwa vanhu, vanosanganisira vana nevechikuru, mudunhu reMasvingo avo vamwe vacho vanobva vashaikwa zvachose.

“Iyambiro yedu semapurisa kuti kana vanhu vachibva pamisha vachibvakacha ngavasiye vataurira vanosara pamba kwavanenge vachienda uyewo votakura magwaro ekuzvarwa,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *