Murume (56) afa azvipfura nepfuti

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 56 okuberekwa wemuguta reGweru akazvipfura nepfuti ndokufa apo aive ari oga mumba make nekuda kwechikonzero chisina kuzivikanwa.

Mutumbi wemurume uyu, Farai Zindonda, wakaonekwa uri mumba make mukati medivi reropa mumusha weWoodlands kuGweru nguva pfupi yadarika.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mapurisa ari kufambira mberi nekufeya nyaya iyi uye murume uyu anonzi akazvipfura nepfuti yemhando ye303 rifle yaiva ne9 rounds.

“Tine nyaya yemurume ane mutumbi wakawanikwa mumba make mumusha weWoodlands kuGweru wakarara mukati medivi reropa. Mutumbi uyu waiva wakabata pfuti mumaoko, pfuti iyi yaiva yakanongedzera mumusoro memufi paine chironda chakakonzerwa nebara,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoenderera mberi vachiti: “Murume akazviuraya uyu anonzi Farai Zindonda (56) uyo anofungidzirwa kuti aiva woga pakaitika njodzi yekuzviuraya iyi.”

Vanokurudzira veruzhinji kuti vasafunge kuzviuraya kana vaine zvinovanetsa asi kuti vatsvage vamwe vekutaura navo matambudziko avo.

“Mukurarama, vanhu vanogona kusangana nematambudziko akasiyana nekudaro kuzviuraya handiro zano rinopedza nhamo idzi, tinokurudzira vanhu kuti vatsvage vayananisi kana vamwe vavanotaurira nyaya dzavo nekuti nekuzviuraya unosiira vana, mudzimai nedzimwe hama matambudziko,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *