Murume (61) ogara mujeri makore 60 abata chibharo mwana (9)

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 61 ekuberekwa akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 60 nedare reGokwe Magistrates’ Courts nekuda kwemhosva yekubata chibharo katatu kese mwanasikana ane makore mapfumbamwe okuzvarwa.

Benjamin Sibanda wekwaMambo Njelele, kuGokwe akapihwa mutongo uyu nemutongi wedare iri, VaStanley Mambanje.

Muchuchisi Farima Tekera vakaudza dare kuti Sibanda aitora mukana wekubata chibharo mwana uyu apo vabereki vake vainge vasipo vaenda kumunda.

Vanoti nomusi wa24 Kukadzi gore rino, mwana uyu akasiiwa pamba aine munin’ina wake ane makore mashanu ekuberekwa apo vabereki vake vainge vaenda kumunda.

Sibanda akabva atora mukana uyu kumubata chibharo uye akazoenderera mberi nekumubata chibharo katatu kese achimutyisidzira kuti asataurira kana ani zvake.

Nyaya iyi yakazopinda mudare nomusi wa18 Kurume gore rino.

Sibanda akatongwa nemhosva yechibharo sezviri muchikamu cheSection 65 chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *