Murume abata mwanasikana (14) chibharo ndokuzomuponda nemuzukuru wake

Kingstone Mapupu

MURUME wekuZaka, kuMasvingo Obedience Makonye (29), akasungwa nemhosva yekubata mumwe mwanasikana chibharo uye ndokuzomuponda pamwe chete nemuzukuru wake waaive naye.

Izvi zvakaitika kwaSabhuku Guyo B mugomo reGondora nemusi weMuvhuro.

Anonzi akabata mwanasikana uyu chibharo apo muzukuru wake aive akatarisa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti vaviri ava vaiva mumugwagwa kubva kuchikoro apo vakasangana nemurume uyu.

“Obedience Makonye paakaona kuti akanga abata musikana uyu chibharo, nechinangwa chekuda kuvanza nyaya iyi, akabva aponda vana ava vose achibva aviga mitumbi yavo mugomo iri reGondora,” vanodaro Comm Nyathi.

Vanoti Makonye akazosungwa nemusi wa27 Ndira mushure mekubuda pachena kumapurisa kuti ndiye akanga abata mwana uyu chibharo nekuzovaponda vose.

“Mushure mekunge murume uyu abuda pachena kuti akapara mhosva iyi, mitumbi yevana vaviri ava yakabva yazowanikwa mugomo umu. Panzvimbo pakawanikwa mitumbi iyi paive nebanga remukicheni rinofungidzirwa kuti ndiro rakashandiswa mukuuraya vana ava,” vanodaro Comm Nyathi.

Mune imwewo nyaya yakaitika kuChiredzi, mapurisa ari kufeya kupondwa kwemwana weECD ainzi Steadfast Makondo (4) uyo akawanikwa mutumbi wake nemusi wa27 Ndira uine mavanga wose.

Mutumbi uyu wakawanikwa mumusha weNewton kuChiredzi apo akanga ashaikwa achibva kuchikoro.

Comm Nyathi vanoti mutumbi uyu wakazowanikwa pasi pemuti weMupfura uchingova mavanga oga-oga.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *