Murume adamburwa musoro nemakumbo nechitima

Kingstone Mapupu

MURUME wekuMberengwa ane makore 19 okuberekwa akatsikwa nechitima ndokudamburwa musoro nemakumbo apo aive akarara munjani.

Tsaona iyi yakaitika nguva pfupi ydarika.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi vachiti akatsikwa nechitima ndiAuthor Nkiwani (19) wemumusha waSabhuku Chatira kudunhu raMambo Mataruse, kuMberengwa uyo ane mutumbi wakawanikwa uri munjanji.

“Mutyairi wechitima chinotakura midziyo anonzi Donald Tachiona (41) aityaira chitima achibva kuRutenga achienda kuSomabula. Paakasvika pachinhambwe che86 kilometre peg pakati penzvimbo yePoland neNgezi, akabva aona muchakabvu uyu Author Nkiwani akarara nedumbu pakati penjanji chinhambwe chidiki kubva paiva pasvika chitima ichi,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mutyairi wechitima ichi  akaridza bhero mutorododo senzira yekuti murume uyu abve munjanji asi Nkiwani haana kumbotirimuka sezvo akaramba akarara pakati penjanji.

“Chitima sezvo chaimhanya nemutizo wepamusoro uyewo nekuzoona munhu uyu chava padyo, chakatadza kumira ndokunotsika murume uyu ndokumudambura musoro nemakumbo achibva angofa ipapo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoyambira veruzhinji kuti vasatambire munjanji kana kuzorora sezvo zviine njodzi huru.

“Pane fungidziro huru yekuti murume uyu akaenda panzvimbo iyi nechinangwa chekuda kuzviuraya izvo tisingakurudzire sezvo kuzviuraya kusingapedze nhamo asi kuti kunotowedzera,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *