Murume afa atsikwa-tsikwa nenzou achienda kubasa

Sikhumbuzo Moyo

MURUME wekuHwange nemusi weChina mangwanani svondo rino akatsikwa-tsikwa nenzou ndokufa apo aienda kubasa kune imwe kambani yemugodhi.

Murume uyu anonzi John Munzabwa wekuLusumbani Village (Number 5).

Mutauriri webazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo, vanotsinhira nyaya iyi vachiti vachengetedzi vemhuka vakatoendeswa kunzvimbo iyi kuti vanoita ongororo.

“Tatambira nyaya isingafadzi yekuti munhu auraiwa nenzou kuHwange. Vanochengetedza mhuka vaenda kunzvimbo iyi kunoita ongororo,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Inspector Glory Banda, vanoti hofisi yavo haisati yawana gwaro renyaya iyi.

Vagari vemunharaunda vakaziviswa nezvenjodzi iyi kuburikidza neWhatsApp Group nemeseji yaiti: “Nhau dzinosuruvarisa kugoverana . . . Takarasikirwa naJohn Munzabwa. Arwiswa nenzou. Kurasikirwa kunoshamisa, uye tose tiri mukuvhunduka. Mifungo yedu neminamato inoenda kumhuri yake nevadikanwi munguva ino yakaoma. Kumukoma wake, Pezhuba nemhuri, dai mukawana nyaradzo muna Jehovha. Zorora murugare, John.”

Mugore ra2023, Lydia Dube (30), uyo aishanda semurindi, akatsikwa-tsikwa  nenzou akafa apo aive akarindira crane yakange yafa pamugodhi weChaba Opencast.

Dube akamhanyiswa kuchipatara cheHwange Colliery Hospital akazodarikidzwa kuMpilo uko akafa achangosvika.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×