Kingstone Mapupu
MURUME wemakore 21 okuberekwa akabaiwa nebanga akafa paVumba Business Centre kuGokwe North nomusi wa1 Mbudzi 2026, anodaro mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands.
Kurwisana uku, uko kwakazoita kuti Shuwa Ndlovu (21), wekwaSabhuku Ganyani, kwaMambo Simuchembo, kuGokwe, arasikirwe neupenyu kunonzi kwakaitika nenguva dza9.30 manheru.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti varume vaviri vanobva mumusha waSabhuku Ganyani vanoti Isheunesu Ganyani (20) naTinashe Ganyani (19), avo vari kupomerwa mhosva yekuuraya iyi, vakatosungwa uye vari kubatsira mukufeewa kwenyaya iyi.
“Zvinonzi murume wekuzobaiwa nebanga akafa, Shuwa Ndlovu, nevarume vaviri ava, Isheunesu Ganyani naTinashe Ganyani, vaitamba mutambo wesnooker pamwe chete paVumba Business Centre, kuGokwe. Gakava rinonzi rakazomuka pakutenga matoken snooker, izvo zvakaita kuti vaviri ava vaite zvijana kurova Ndlovu netsvimbo dzemuti kusvikira vazomubaya nebanga padumbu nepachipfuva, achibva adonhera pasi panguva iyoyo,” vanodaro Insp Mahoko.
Nyaya iyi yakabva yasvitswa kumapurisa, varume vaviri ava ndokusungwa. Vari kutarisirwa kuendeswa kumatare edzimhosva nokuda kwenyaya yavari kupomerwa yekuponda.
Mutumbi unonzi wakatakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheGokwe, uko waiva wakamirira kuongororwa navanachiremba.
“Takarasikirwa neupenyu hwemunhu munyaya iyo vanhu vaigona kutaurirana, vakawirirana, pasina kusvika pakurovana kana kuurayana seizvi. Tinokurudzira vanhu kuti vatsvage kutaurirana pane kurwisana,” vanodaro Insp Mahoko.
Mune imwewo nyaya inosuwisa, murume wemakore 55 okuberekwa wekuMberengwa akashaika mushure mekunwa doro risingabvumidzwi nemutemo wenyika paVutika Business Centre nomusi wa2 Mbudzi 2026, nenguva dza5 mangwanani.
“Zvinonzi nomusi wa1 Mbudzi 2026, nenguva dza8 mangwanani, Jenifani Simba, wepaVutika Business Centre, kuMberengwa, akatanga kurwadziwa nechipfuva, ndokuzivisa mukoma wake Tinotenda Simba, wekwaSabhuku Simba, kwaMambo Maziofa, kuMberengwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Zvinonzi Jenifani Simba akatanga kurwadziwa nechipfuva mushure mekudutira doro rinonzi nevazhinji mukozodo.
“Nomusi wa2 Mbudzi, nenguva dza5 mangwanani, urwere hwaJenifani Simba hwakawedzera, achibva angoshaika ipapo, mutumbi wake ndokutakurwa uchiendeswa kumochari yechipatara cheMberengwa, uko waiva wakamirira kuongororwa navanachiremba. Nokudaro, tinokurudzira voruzhinji kusiyana nekutora zvinodhaka,” vanodaro Insp Mahoko.
Mapurisa anoti dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka, iro riri kusanganisira vakuru nevadiki, rakonzera matambudziko mudzimba zhinji, vamwe vachifa, vamwewo vachirwara.