Murume anyura vachizvitora mifananidzo

Lovemore Kadzura

MURUME ane makore 22 okuberekwa akafa mushure mekutsvedza uye ndokunyura mumvura pamapopoma eBridal Veil Falls ari muChimanimani National Park apo vaizvitora mifananidzo nevamwe vake vatatu.

Nyasha Mashava wekuVillage Extension kuChimanimani, akatsvedza ndokunyura mudziva iri nemusi weSvondo wadarika.

Shamwari dzake dzakazama kumutsvaga paaive awira mudziva iri, iro rakadzika mamita matatu, asi ndokukundikana.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti vechikamu cheZRP Sub Aqua Unit vakazoshevedzwa kuti vaburitse mutumbi uyu.

“Nemusi wa13 Chikumi, 2026, Nyasha Mashava neshamwari dzake nhatu dzinoti Tyron Chimondo (26) wekuTribury Estate, Keith Tongai (33) anogara kuNatview Park Mutare naIrvine Tanaka Usavi (24) wekuNatview Park zvakare vaitorana mifananidzo paBridal Veil Falls,” vanodaro.

Mashava akazotsvedza ndokuwira mudziva ndokubva ashaikwa.

“Chimondo akabva amhan’ara nyaya iyi kuZRP Chimanimani avo vakaenda panzvimbo iyi. Vakazama kutsvaga mutumbi wake asi ndokuushaya. ZRP Support Unit Sub Aqua vakazouya ndokukwanisa kuburitsa mutumbi uyu uyo waive pasi-pasi pedziva muzuva rakatevera. Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochairi yeChimanimani District Hospital kuti unoongororwa nanachiremba. Kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *