Murume apotsa afira chikwereti chenyama yembudzi

Hazel Chitepo

MURUME wekuChimanimani akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekubatwa nemhosva yekubaya mumwe murume nebanga zvakaipisisa uyo aive nechikwereti chake cheUS$10 chenyama yembudzi.

Garikai Tirivangani (34) akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya munhu, iyo yaakabvuma, apo akamiswa pamberi pedare reChipinge Magistrates’ Court.

Mutongi munyaya iyi aive vaBishard Chineka uye muchuchisi vari VaIsaac Tangwena.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa28 Kurume paMadongonda tuckshops munzvimbo yeChimanimani National Park.

Dare rakaudzwa kuti Tirivangani akatenga nyama yembudzi yeUS$30 kuna Trymore Nyowana, apo akabva abhadhara US$20, achisiya chikwereti cheUS$10.

Nyowana paakazoti anoda mari yake yaive yasara, vaviri ava vakatadza kunzwanana nekuda kwenyaya iyi vachibva vatanga kupopotedzana.

Shawamwari yaNyowana, iyo isina kutaurwa zita rayo mudare, yakabva yatema Tirivangani nemachete.

Mukudzorera, Tirivangani akabva abaya Nyowana padumbu kamwechete nebanga remhando yeokapi.

Nyowana akakuvara zvakanyanya sezvo matumbu ake akabva abuda kunze.

Banga rakashandiswa mukupara mhosva iyi rakaburitswa mudare sehumbowo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *