Murume arasika njere aparadzirwa dzimba

Kingstone Mapupu

MURUME wepaPlot 55 Solopy A kumindamirefu yeHome Park kuMarondera, VaRobert Teta, vanoti vakatanga kurwara vachiita sevanorasika pfungwa apo musha wavo wakangofuma dzimba dzakapwanyiwa nevanhu vasingazivikanwe.

Vanoti dzimba dzavo dzinosanganisira yekubikira neyekurara dzakafuma dzakagurwa magonhi nemadhoofurema acho uyewo nemahwindo.

“Ndakafumoenda kumba kwangu uku sezvo kwakanga kusina munhu semunhu akarambana nemudzimai, vana vangu vaviri vanogara naamai vangu. Ndasvikako, ndakasvikoona dzimba dzakapazwa ipapo ndakabva ndatanga kunzwa dzungu nekutadza kuziva zvandaiita. Ndakabva ndaziva kuti zvaiva nechekuita nechivanhu zvine hushereketwa, kuroiwa chaiko,” vanodaro VaTeta.

Murume uyu anoti akabva atadza kuziva zvaaiita kusvikira asungwa necheni achinzi airwisana nevanhu pamusha paamai vake.

“Ndinongonzwa kuti kubva ipapo ndakazotanga kuita mhirizhonga ndikapisa huku dzaamai vangu asi zvose handizvizive. Vanhu vanoramba vakandisunga asi chokwadi ndechekuti ndakapora kubva mukuroiwa kwandakaitwa pakapazwa dzimba dzangu,” vanodaro VaTeta.

Vanoti vane fungidziro yekuti vanhu vakavaroya vari kuda kuvatorera musha wavo nemunda zvichitevera kupwanya kwavakaita dzimba.

Mai Beata Teta (63) vanova amai vemurume uyu vanoti chakava chishamiso mumusha mavo kuti mwana wavo akatanga kurasika pfungwa apo dzimba dzake dzakafuma dzakapwanyiwa.

“Mwana wangu akavaka musha wake padivi pedzimba dzangu papuroti yedu imwechete uyowo akarambana nemudzimai ane vana vaviri vanoti wemakore 20 okuberekwa nemumwe ari Form 3. Dzimba dzake dzakafuma dzakapwanyiwa ndokuenda kunoona achibva angotanga kurasika njere,” vanodaro Mai Teta.

Vanoti pakapazwa dzimba idzi, kwakabiwa zvinhu zvinosanganisira mbatya nechibage.

“Dai dzaingova mbavha munhu haaizorasika njere, kureva kuti pane chivanhu. Nyaya iyi takaiendesa kumapurisa ekuMarondera nekuna sachigaro wenzvimbo yedu inova iri kufeewa,” vanodaro Mai Teta.

Vanoti kubva pakapazwa dzimba idzi nguva yadarika, kusvika izvozvi pfungwa dzemwana wavo hadzisati dzaita zvakanaka.

“Mwana uyu akapisa huku dzangu 137 ndikasara ndagara pasi. Vana vake havachaenda kuchikoro, munhu aizvishandira uye ndiye mwana wangu mukomana woga aindiriritira,” vanodaro Mai Teta.

Mudzimai uyu, uyo kumusha anobva kuAvilla kuNyanga, anoti ainge akaroorwa nemurume wekuKaitano kuMt Darwin asi akazoshaika.

Mai Teta vanoti vapererwa nemazano ekuita nekuda kwedambudziko rine mwanakomana wavo.

“Ndakaita vana 4, vasikana vatatu nemukomana iyeyu. Ndinokumbira kuti abatsirwe kunyangwe achiti ava nani,” vanodaro Mai Teta.

Vanoti hondo iripo yakonzera dambudziko remwana wavo ndeyekuti kune vanhu vari kuda munda waanawo.

“Takagobora munda uyu tikatanga kuurima zvino kune vamwe vanhu vava kuuda, zvakadaro vakapwanya dzimba dzemwana wangu hativazive,” vanodaro Mai Teta.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×