Murume arikitwa nemudzimai amupa US$7 yekushandisa pamwedzi

Chipo Mukorama

MUMWE murume anoti akarohwa nemudzimai wake wechipiri mushure mekunge amupa US$7 yekuti ashandise kutenga chikafu kwemwedzi wose.

Tafadzwa Madzima anoti akapa mukadzi wake mukuru (vahosi) mari yakawanda kubva pane yaanotambira kubasa uye ndokusara neUS$7 chete iyo akazopa mudzimai wake wechipiri, Pamela Nyama.

“Nemusi weChipiri svondo rapera, Pamela akati anoda mari yekutenga girosari ndokubva ndamupa US$7,” Madzimai akaudza dare reHarare Civil Court.

“Akanditukidzira achiti hapana chandinobatsira nacho uye handizive zvandinoita.

“Ndakazama kumutsanangurira mamiriro aive akaita zvinhu asi nyaya yacho yakatokora muto, zvakaita kuti Pamela andirove pamwechete nekutuka amai vangu.

“Ari kugara achityisidzira kuti achandisiya kana ndikasamupa mari.

“Handisisina rugare kubasa zvose nekumba nekuti ari kungoramba achiti anoda mari. Ndicho chikonzero ndiri kuda gwaro redziviriro.”

Achipawo divi rake, Nyama anoti: “Ndakamurova nekuti anongopa mari kumukadzi wake wekutanga.”

Mutongi Meenal Naratom vakapa Madzima gwaro redziviriro.

Nyama akanzi zvekare asasvike kubasa kwaMadzima.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *