Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kufeya nyaya yemurume akafa mushure mekurohwa zvakaipisisa neveruzhinji nechamboko pamwe nezvibhakera kuKuwadzana, muHarare zvichitevera kuwanikwa kwaakaitwa aine masimbi aakange aba pane imwe kambani iri kuvakwa munzvimbo iyi.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti mushakabvu uyu haasati azivikanwa zita rake uye mumhan’ari munyaya iyi ndiAdmire Bere (39) wekuFair View kuWestgate, muHarare.
“Tine nyaya iri kufeewa yemurume akapondwa neruzhinji uyo asiri kuzivikanwa zita rake achipomerwa kuti aiva aba masimbi panzvimbo iri kuvakwa. Izvi zvakaitika panosangana mugwagwa High Glen naHeany apo pari kuvakwa kambani itsva nemusi wa27 Kukadzi nenguva dza0300 hours,” vanodaro Insp Chakanza.
Vanoti murume anonzi Munyaradzi Muzadzi anoshanda sacaretaker panzvimbo iri kuvakwa iyi aitenderera achiongorora mamiriro ezvinhu apo akaona varume vaviri vachibvapo vakatakura masimbi (iron bars) ayo vaiva vaba.
“Munyaradzi Muzadzi akatanga kudzingirira varume vaviri ava ndokuzokwanisa kubata mumwechete anova akazofa uyu. Mumwe wacho anonzi akaedza kununura mushakabvu apo akarova Muzadzi nechombo chisina kuzivikanwa kumeso izvo zvisina kukonzera kuti amusiye,” vanodaro Insp Chakanza.
Vanoti panguva iyi, pakasvika imwe motokari yaiva nevarume vana (4) – avo vasina kusina kukwanisa kuzivikanwa – vakabva vasvikomira pavaiva vari. Murume wechipiri aiedza kununura mumwe wake anonzi akabva atiza pakasvika varume ava.
“Caretaker uyu akasara aine akazofa uyu, varume vana ava vakaburuka mumotokari yavo ndokutanga kurova mushakabvu uyu nechamboko nezvibhakera uyewo nembama muviri wese kwenguva refu vachibva vazoenda vachisiya vaviri ava voga,” vanodaro Insp Chakanza.
Vanoti Muzadzi akazobatsirwawo nevavakidzani kutakura masimbi aiva abiwa aya vachidzosera panzvimbo paaiva atorwa.
“Munyaradzi Muzadzi akazotorana nemurume aiva arohwa uyu ndokuenda naye mucabin yaaigara umo akasvikokuhwidza moto kuti vadziye. Muzadzi akazoridzira nhare Admire Bere anova muridzi wenzvimbo iyi uyo akabva auya nenguva dza0630 hours ndokuona kuti murume akange arohwa uyu aiva atofa kare mutumbi wake wakarara pasi,” vanodaro Insp Chakanza.
Vanoti nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa eZRP Kuwadzana.
“Matikitivha eCriminal Investigation Department (CID) ekuKuwadzana vakatanga kufeya nyaya iyi, mutumbi uyu uchibva watakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheSally Mugabe Central Hospital kunoongororwa nanachiremba. Munyaradzi Muzadzi akazotakurwawo kuenda kuchipatara chimwechete ichi sezvo hupenyu hwake hwaiva huri parumananzombe,” vanodaro Insp Chakanza.




