Mudzimai atema munda wose wechibage abatikidza murume achishinha

MUDZIMAI wekuDedza, kunyika yeMalawi akatema chibage chose chaive mumunda wavo mushure mekubatikidza murume wake achishinha nemumwe mukadzi pakati pemunda uyu.

Izvi zvakaitika apo mudzimai uyu akaenda kunotsvaga muriwo kumunda kwavo ndokuwanikidza vaviri ava vachishinha vose.
Murume wacho neshamwarikadzi yake vakabva vatiza vachisiya mudzimai uyu achishamisika zvakanyanya pamwe nekushatirwa.

Nekuda kwehasha, mudzimai uyu akabva tora bhemba ndokutema chibage chose chaive mumunda.

“Aitema chibage ichi achiita sekuti ndicho chaive muvengi wake. Takazama kumudzivisa asi haana kuda kuzviteerera,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi uyo asina kuda kudomwa nezita rake. – Afrogazette

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *