Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuShurugwi, munharaunda yeMidlands, anoti akasunga murume wemakore 22 nemhosva yaari kupomerwa yekuba motokari sere dzinokosha mari inoita US$31 400.
Takudzwa Moyo (22) anonzi aitenderera muguta reShurugwi kubvira mumwedzi waGunyana kusvika musi wa9 Gumiguru gore rino ra2026 achiba motokari dzakasiyana-siyana.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Moyo akasungwa nomusi wa13 Gumiguru ari kunzvimbo yeMakusha, kuShurugwi.
“Murume uyu akasungwa nokuda kwemhosva dzekuba motokari dzinokwana sere, dzinokosha US$31 400 uye motokari dzose dzaiva dzabiwa dzakawanikwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Moyo, uyo anobva pamusha waMavhura, kwaSabhuku Marira, village 1, kuChachacha, kuShurugwi, anonzi aizotengesera vanhu motokari dzaainge aba idzi, ivo vasingazivi kuti dzainge dzawanikwa nenzira iyi.
“Murume uyu aba motokari idzi aidzitengesa, dzimwe achingosiya chero paaida, mushure mekupera kwadzo mafuta kana kufa kwadzo munzvimbo yeShurugwi.
“Akazosungwa nomusi wa13 Gumiguru nematikitivha echikamu cheCriminal Investigations Department (CID) ekuMakusha, kuShurugwi, mushure mokunge vawana runyerekupe,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti pakasungwa murume uyu kwakawanikwa motokari dzinoti maHonda Fit matanhatu, Toyota RunX imwe chete neToyota Nadia imwe chete zvakare.
“Pamotokari dzakabiwa idzi, Toyota RunX yakawanikwa isina battery.
“Zvakadai, murume uyu anotarisirwa kupinda mudare redzimhosva nokuda kwenyaya dzaari kupomerwa idzi munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti, senguva dzose, kupara mhosva hakubhadhari sezvo nhubu idzi dzichizoguma dzasungwa chete nekufamba kwenguva nokuda kwemapurisa ari kuwanikwa munzvimbo dzose achidyidzana nevanhu vose.