Sukulwenkosi Dube-Matutu
MURUME wekuGwanda ane makore 59 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore 15 nemhosva yekubata chibharo mwanasikana wemuvakidzani wake uyo ane makore matatu okuzvarwa.
Wilson Ndlovu akabatwa nemhosva yechibharo apo akamiswa mudare reGwanda Magistrates’ Court pamberi pemutongi Mai Sithembiso Ndebele.
Mukupa mutongo, Mai Ndebele vakacherechedza musiyano mukuru wezera pakati pemusungwa nemwana uyu.
“Musungwa uyu muvakidzani wemumhan’ari uye akura zvekuti anotogona kuita sekuru vake, aitarisirwa kumuchengetedza asi akatotora mukana wehudiki hwake,” vanodaro Mai Ndebele.
Vanoti Ndlovu akabata mwana uyu chibharo apo akauya kuimba yake yemapuranga kuzotamba nevamwe vake.
Dare rakanzwa kuti nomusi wa11 Zvita gore rakapera nenguva dza10 mangwanani, Ndlovu akakwezva mwana uyu kubva muchikwata chevamwe vana vaitamba mukomboni yemugodhi kuWest Nicholson kuti aende kuimba yake yemapuranga uko akabva amubata chibharo.
Mwana uyu akazowanikwa mushure mekunge amai vake vaudza vamwe vanhu vemunharaunda iyi avo vatanga kumutsvaga.
Imwe hama yemwana uyu yaibatsira kumutsvaga yakazopinda muimba yemapuranga yemusungwa mushure mekuudzwa nevamwe vana kuti akanga aendeswa ikoko.
Muchuchisi VaNgonidzashe Shumba vakaudza dare kuti hama iyi yakapinda muimba iyi ikawana Ndlovu akarara nemwana uyu pamubhedha.
Bhandi remusungwa rakanga rasunungurwa apo tirauzi remwana uyu raive rakabviswa kusvika mumabvi.
Hama yemwana uyu payakabvunza Ndlovu kuti chii chaitika, akatadza kupa tsananguro ndokubva azvifugidza negumbeze.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvakaita kuti Ndlovu asungwe pamwechete nekuzozvuzvurudzirwa kudare.



