Murume atsikwa nechitima akagara munjanji

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 55 okuberekwa anonzi akatsikwa nechitima apo aive akagara pakati penjanji kuMelfort, kuGoromonzi manheru emusi weChitatu svondo rapera.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vanoti tsaona iyi yakaitika nenguva dza11 manheru.

Vanoti munhu akatsikwa nechitima ichi haasati azivikanwa sezvo aive asina magwaro akadai sechitupa asi pane fungidziro yekuti ane makore anosvika 25 okuberekwa.

Insp Chazovachiyi vanoti musi uyu, Wellington Pedzisai (55) wekuGranary Park, muHarare aityaira chitima chinotakura zvinhu chine nhamba dzinoti 34853 cheNational Railways of Zimbabwe (NRZ) akananga kwaMutare.

“Paakasvika paMelfort Bridge, chitima chakabva chatsika murume ane makore angangosvika 25 ekuzvarwa ainge akagara munjanji. Akatsikwa ndokutsemuka musoro zvakaita kuti afe pakarepo. Mapurisa eZRP Marondera vakaridzirwa nhare ndokubva vakanotakura mutumbi uyu ukaendeswa kumochari yechipatara cheMarondera Provincial Hospital kunoongororwa nanachiremba,” vanodaro.

Insp Chazovachiyi vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekutambira kana kugara munjanji sezvo zvitima zvinogona kufamba pane ipi zvayo nguva.

Vanokurudzirawo veruzhinji vari kushaya hama yavo yechirume ine makore angangosvika 25 okuberekwa kuti vaende kunotarisa mutumbi uyu kumochari yechipatara cheMarondera Provincial Hospital.

Related Posts

Murume (25) aponderwa pabhawa

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 25 okuberekwa wekwaSabhuku Mbombela kwaMambo Malisa kuSilobela, kuKwekwe akapondwa achiita zvekutemwa mumusoro nebhodhoro redoro nemumwe murume pabongozozo remubhawa. Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika panzvimbo…

Mabvazuva Choral Group yazviita zvakare

Abel Ndooka CHIKWATA chenziyo dzechitendero chine mukurumbira cheMabvazuva Choral Group hachisi kudzokera shure murwendo rwekutendeutsa vanhu zvichitevera kubura kwachakaita dambarefu idzva rechipfumbamwe rinonzi ‘Mibvunzo Yenhando’. Dambarefu idzva iri rine nziyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×