‘Murume ava kutondityisa’

MUDZIMAI wekuti akazvambaradzwa nemurume mushure mekunge amumhan’arira kudare nenyaya yemendenenzi akamhanyira kudare zvakare achida kuti nyaya yavo itongwe nechimbi-chimbi sezvo ava kugara achitya.
Mejury Madzengere akamhan’arira aimbova murume wake, Tapiwa Manyonga, kuHarare Civil Court achiti akamurova zvisina mukare akamboona apo akamupa magwaro ekuti auye kudare nenyaya yemendenenzi. “Ishe wangu, ndauya kuno kudare nenyaya yekuti murume uyu atange kubhadhara mendenenzi asati andiuraya nekundirovera nyaya yemendenenzi. Dai nyaya iyi yapera nhasi nekuti pari zvino nyama dzangu dzichine marwadzo ekundirova kwaakandiita. Akandirova musi wandaifanira kumupa magwaro ekuno kudare.

“Ndakazononoka kuendesa magwaro aya nekuti pandaida kumupa pekutanga ndipo paakandirova ndikatombotadza kufamba. Ndizvo zvakaita kuti tirambane, nyaya yake yekugara achindirova sekunge mhuka. Dai dare rangopedzisa nyaya iyi nhasi kuitira kuti ndigare zvakanaka nekuti vana haasi kuchengeta, chaanongogona kundiitira hasha achindirova,” akadaro Mudzengere. Manyonga akaramba mhosva ndokukumbira dare kuti ripfuudze nyaya yavo mberi achiti akanga anonoka kupihwa magwaro ekumatare uye haana kumborova aimbova mudzimai wake uyu.

“Kunyepa ndiko kunoita amai ava, vava kungomhanyira kuti vapihwe mari yemendenenzi nekuti zvavari kutaura hazvina kuitika. Handina kumbobvira ndavarova, kunditsvagira mhosva. Hameno kuti anofunga kuti ndokuti apihwe mazimari aari kuda here. Ndanga ndichikumbirawo kuti dare riendese nyaya yangu pamazuva epamberi sezvo akanonoka kuuya nemagwaro, ndinoda kumbotanga ndamaongorora ndizoona mapinduriro,” akadaro Manyonga.

Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×