Tendai Vambe
MUMWE murume akaonekwa akafa, akarara mupaseji yechimwe chivakwa chiri kugadziriswa paJairos Jiri Craft Shop mumugwagwa waFirst Street kwaMutare svondo rino, uye mapurisa haasati aziva kuti ndiani kana kuti chii chakakonzera rufu rwake.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi, vachiti mapurisa akaenda kunzvimbo iyi mushure mekuziviswa nezvazvo.
“Mapurisa eZimbabwe Republic Police akagamuchira mashoko ekuti kwawanikwa chitunha chemurume asingazivikanwe paJairos Jiri Craft Shop mumugwagwa waFirst Street, Mutare. Mapurisa akaenda kunzvimbo yacho ndokuongorora chitunha chacho,” vanodaro
Asst Insp Chinyoka.
Vanoti chitunha ichi chakaonekwa nemunhu akanga auya kuzoshanda pachitoro ichi apo akaona vanhu vakaungana panzvimbo yacho.
“Mumwe munhu akanga auya kuzoshanda paJairos Jiri Craft Shop, paakasvika, akaona vanhu vakaungana panzvimbo yacho ndokuenda kunoona kuti chii chakanga chaitika,” vanodaro.
Asst Insp Chinyoka vanoti munhu uyu akaona murume asingazivikanwe akafa mupaseji yechivakwa ichi.
“Paakasvika pedyo nenzvimbo yacho, akaona murume mukuru asingazivikanwe akafa mupaseji yechivakwa chiri kugadziriswa. Akabva anozivisa mapurisa eZRP Mutare Central,” vanodaro.
Mapurisa akaenda kunzvimbo yacho ndokuongorora chitunha ichi.
Asst Insp Chinyoka vanoti pakaongororwa mutumbi uyu, mapurisa akaona kuti wakanga usina pakakuvara, kunyange hazvo kuferefeta kuchiri kuenderera mberi kuti kuzivikanwe chakakonzera rufu.
“Mapurisa akaenda kunzvimbo yacho ndokuongorora chitunha ichi. Hapana kukuvara kwakaonekwa pamutumbi uyu. Chitunha ichi chakaendeswa kumochari yeVictoria Chitepo Provincial Hospital kuti chinoongororwa chikonzero cherufu,” vanodaro.
Mapurisa ari kukumbira veruzhinji vane ruzivo nezvekuti mushakabvu ndiani, kana hama dzine munhu wemumhuri wavari kushaya, kuti vaende kukamba yemapurisa iri pedyo navo vobatsira mukuferefetwa nyaya iyi.




