Murume azama kuzviuraya ka2 zvikaramba, ndokuzotsikwa nemotokari

Lovemore Chazingwa ari KUKADOMA

MURUME aizivikanwa zvakanyanya kuRimuka, kuKadoma nenyaya yekusona shangu, Louis Mugariri, akatsikwa negonyeti ndokufa nemusi weChipiri manheru mushure mekunge ambozama kuzviuraya kaviri kose asi zvichikona pazuva rimwechete iri.

Aizivikanwa zvekare nezita remadunhurirwa rekuti Dread Chipo uye ange ave nemakore 46 okuberekwa.

Pakutanga, akaedza kuzviuraya nekukambaira pasi pegonyeti rinotakura mafuta ezvifambiso iro raida kudira mafuta aya pane imwe service station.

Zvisinei, vamwe vanhu vaivepo vakakwanisa kumudzivisa kuti asatsikwe negonyeti iri.

Murume uyu akazozama zvekare kukambaira nepasi pebhazi raive rakamiswa pane imwe rengi mudhorobha iri.

Izvi akazviita achiitira kuti kana bhazi iri rofamba raibva razomutsika.

Asi vamwe vanhu vakazviona vachibva vataurira mutyairi waro.

Apo Dread aida kutiza kubva panzvimbo iyi, akabva atsikwa negonyeti.

“Akabuda ropa zvakanyanya kubva mumhuno uye akazofa mushure mechinguvana,” anodaro mumwe aive pachiitiko ichi.

“Mapurisa akauya ndokutakura mutumbi uyu kuenda nawo kumochari.”

Dread aigara pabasa pake paMachipisa Shopping Centre, pedyo neThe Star Bar.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *