Scottland FC, Ngezi Platinum Stars dhuma-dhuma

Abel Ndooka

CHIKWATA chiri kupisa parizvino muCastle Premiership cheScottland FC nemusi weChishanu chino chichange chiri pamusha kunhandare yeRufaro Stadium muHarare apo chichasangana neNgezi Platinum Stars pamutambo weMatch Day Three.

Scottland FC, iyo iri kurairidzwa naTonderai Ndiraya, ndiyo iri kutungamira palogo rePSL ine zvibodzwa zvitanhatu.

Izvi zvinotevera kuhwina kwayaita mitambo yayo miviri yekutanga apo yakakunda Triangle United 1-0 uye ndokuzvambaradza CAPS United 2-0 svondo radarika kuRufaro Stadium.

Svondo rino kechitatu kakatevedzana, Scottland ichange ichitambira kuRufaro Stadium.

Nekune rimwe divi, Ngezi Platinum Stars chikwata chaTakesure Chiragwi chiri kupinda mumutambo uyu chakwanisa kuwana zvibodzwa zvina kubva pamitambo miviri.

Mumutambo wekutanga, Madamburo yakaita Mangange 1-1 neKwekwe United uye wechipiri ndokukunda Greenfuel 1-0 kuBaobab Stadium kuMhondoro-Ngezi.

Takesure Chiragwi

Aka kachange kari kekutanga zvikwata izvi zvichisangana mumitambo yePSL.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, shasha dzePSL, Simba Bhora, ichange iri pamusha kuWadzanayi Stadium kuShamva musi weMugovera apo ichasangana neHerentals College FC.

Simba Bhora haina kutanga zvakanaka mwaka uno sezvo yaita mangange mumitambo yayo miviri parizvino uye haisati yanwisa.

Mumutambo wekutanga, Simba Bhora yakaita mangange 0-0 neFC Platinum uye svondo radarika ndokuita mangange 0-0 zvekare neZPC Kariba.

Mwaka wegore rino unogona hawo kuve uchangotanga, asi Simba Bhora inofanirwa kutokwidziridza masokisi ayo yotanga kuhwina mitambo kana ichida kuchengetedza mukombe wePSL.

Herentals College ndiyo yakagara pechipiri palogo ichitevera kumashure kweScottland sezvo yakwanisa kuwana zvibodzwa zvina kubva pamitambo miviri.

Mumutambo wekutanga, Herentals yakakunda TelOne 2-1, ndokuzoita mangange 0-0 mune wechipiri neDynamos svondo radarika.

Musi weMugovera zvekare uchaona Dynamos iri pamusha kuRufaro Stadium apo ichasangana neTelOne FC.

DeMbare, seSimba Bhora, haisati yanwisa mwaka uno uye mitambo yayo yese yangopera ari mangange 0-0.

Mutambo wekutanga, yakaita mangange neZPC Kariba kuRufaro Stadium uye svondo radarika yakaita mangange zvekare neHerentals College.

Chikwata chaLloyd ‘Mablanyo’ Chigowe chinofanirwa kutokunya dzisimbe chichigadzirira mwaka murefu wachakatarisana nacho sezvo   chichazokwikwidza mumutambo weCAF Confedarations Cup munguva inotevera.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×