Murume nemukadzi vonetserana hembe

Tatenda Shuro
MURUME wemuHarare ari kuchema-chema achiti mukadzi wake ane hunhu hwekubvarura hembe neshangu dzake pasina chikonzero.

Godfrey Zinyama akamhan’arira Rhoda Mujeyi kudare reHarare Civil Court achida kuti rimudzivirire.

“Ndauya kuno kuzokumbirawo gwaro rinondidzivirira. Wamuri kuona uyu mudzimai wangu, asi anondibvarurira hembe neshangu dzangu pasina chikonzero. Ndikamubvunza kuti ko sei achidaro, anonditi haazive chikonzero chacho,” anodaro.

Zinyama anoti zvakare mudzimai wake anoparadza midziyo yemumba mavo. “Naamai ava tine vana vaviri, asi ndinovapomera mhosva yekuparadza midziyo nekumara-mara zvinhu zvangu. Pose patinotadza kunzwanana semukadzi nemurume, anondishaudha zvekutosvika pakubuda panze achidaidzira nemazita akawanda vavakidzani vachinzwa izvo zvinenge zvave kutondikanganisira chimiro changu,” anodaro

Mujeyi anoudza dare kuti ane dambudziko nechikumbiro chemurume wake.

“Ndine dambudziko nechikumbiro chavo nokuti handiite zvose zvavareva. Chinoitika ndechekuti hembe dzavo dzavanoti ndinobvarura senge dzekumusoro dzasakara, saka ndinodzipindurudza ndosona sezvo ndichigona zvekusona. Pose ipapo tinenge tawirirana uye dzimwe ndinotoisa zvigamba pane dzabvaruka,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Baba ivava vane zuva ravakazonditi wabvarura hembe dzangu ini ndikaramba ndakanyarara ndikazovapindura ndichiti hembe dzenyu dzasakara, hadzichaita kuti muende nadzo pane vanhu. Saka ndipo pavakatsamwa vakatanga kubvarura hembe dzangu ndikatonomhan’ara kuGlen Norah Police Station ndokungonzi tigare zvakanaka.

“Asi vakatowedzera kubvarura hembe idzi tabva kumapurisa kuya ndokudzokera ivo kumapurisa vakunoti mukadzi uyu ibenzi remunhu.”

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Zinyama gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *