Murume orambirwa kuburitsa ‘munhuwi’

Gibson Mhaka

MUDZIMAI wekuBulawayo anonzi akasvika pakutiza imba zvichitevera kufinhurwa kwaaita nekatsika kemurume wake kekuburitsa mweya unonhuwa zvikuru zvekuputira imba yose.

Izvi zvakabuda mudare reBulawayo Civil Court apo Pamela Sibanda akamhan’arira murume wake, Philani Sibanda, achida gwaro redziviriro.

Pamela, uyo akatotiza pamba paaigara nemurume wake kuMorningside, kwakare kuBulawayo, anoti murume wake anomushungurudza nekumutuka pamwe nekumurova.

“Philani murume wangu asi ndakamusiya mwedzi wadarika nekuda kwehunhu hwake hwekuita mhirizhonga neni. Ndisati ndabva, akandirova mushure mekunge ndamunzwa achitaura nemumwe mukadzi panhare uye akazoparadza nhare yangu achiti yaive neumboo hwaigona kumuroverera.

“Musi wa4 Gumiguru 2020, akatumira mashoko pafoni pangu achiti ndinofanirwa kugadzirira zvaizouya. Anogara achindityisidzira achiti ndichafira mumaoko ake uye handizive zvaanenge achireva nemashoko aya,” anodaro.

Achipawo divi rake, Philani anoti dambudziko rakatanga mumwe musi apo mukadzi wake akamupomera kuti ndiye ainge aburitsa mweya wainhuwa zvekuzadza imba yavo yekurara.

“Handisati ndambomurova, ndakangodzosera paakatanga kundirova. Musi waakataura kuti mumba mainhuwa mushure mekunge ndaburitsa mweya, akatanga kumwaya pefumu imba yose. Ndakangobata vhudzi rake ndokumubvunza kuti anoda kurwa neni here?” anodaro.

Philani anoenderera mberi achiti, “Handina kumbobvira ndamutyisidzira kana kumurova. Akabva pamba mushure mekunge tatadza kunzwisisana uye anogarotaura zvinhu zvakaitika kare.”

Mutongi Marygold Ndlovu akaudza Philani kuti asatyisidzire mudzimai wake neipi nzira zvayo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×