Zviri mugapu: Ravira zondo riri mubhinzi

naMuchaneta Chimuka

MAZONDO mudya ndakasungwa chaiwo kana achinge abikwa zvine unyanzvi uye muusavi uhu mune mapuroteni ayo anosimbisa nekuvaka muviri nekurwisa zvirwere. 

Svondo rino, Rumbidzai Zulu wekuChinhoyi anotsanangura mamwe mabikirwo emazondo zvine musiyano. 

Zvinodiwa?

Mazondo, makerotsi, bhinzi, matomatisi, chikari, mvura nemunyu.

Mabikiro:

Bvura mazondo ubvise mvere dzose.

Chiageza woachekesa nemuchina kana zvichigona.

Isa muchikari akwate kweawa.

Chiisa munyu wakaringana netumafuta tushoma.

Kanda bhinzi dzakabikwa nemakerotsi akachekererwa.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Wozodii?

Kana mazondo aibva anoonekwa nemuto wakakorera.

Zondo rinodyiwa nesadza jena, remhunga, remapfunde kana                                       rezviyo. 

Vamwe vanhurume vanofarira kudya mazondo, zvikuru kunzvimbo dzavanotandarira sezvo achinzi anosimbisa musana.

 Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713411281

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×