Murume wangu ava kundisemesa

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri mukadzi ane makore 40 okuberekwa, ndakawanikwa uye ndine vana vaviri. Dambudziko rangu rakamira sekudai: Murume wangu akanditadzira pakunoita mumwe mwana kunze. Zvisinei, akakumbira ruregerero akadzoka pamba. Zvino ini pakuita bonde naye hapana chandichanzwa, iye ndiye ari kunakidzwa oga asi inini hapana, hapana.

Chiripo ndechekuti inini mumoyo mangu handina kumuregerera, zvekuti anotondisemesa pabonde pacho. Ndodii tete kuti ndidzore moyo, ndimudewo sezvaiitika pakutanga nekuti ndini ndiri kukuvarira mukati.

Mai Tendai.

Norton.

MHINDURO:

Iro idambudziko rinowanikwa nevakadzi vakawanda, kunyanya kana vachinge vambotadzirwa nevarume vavo sezvawakaitwa iwe muzukuru. Tinozvizviva kuti zvinorwadza zvawakaitwa nemurume wako asi ndinokumbirawo kuti umuregerere nemoyo wako wose kwete kuchengeta chigumbu.

Munhu wose anotadza, kusanganisira iwe asi zvinoenda nekutadza kwacho. Murume wako mupe rudo rwakakwana kuti umufarire pabonde uye ukaramba uchimudaro achadzokera kunze kwaakange ambitizira iwe wosara uchitambura nevana.

Amai vakabereka ndinoziva kuti vanoregera.

Saka iwe chiburitsa zvawakatadzirwa mupfungwa dzako ude murume wako semadire awaisimuita pakutanga. Ukasadaro uchazosara uchichemazve otsvaga vamwe vanonyatsomuda.

Tete Chipangamazano.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×