‘Murume wangu unoba kubasa, inhema here?’

Lizzy Mushoriwa
Murume samusha akashaya pekupinda nekunyara mudare apo mudzimai wake akamufumura achiti zimbavha remakoko rinoba zvinhu zvekubasa richipa shamwarikadzi yaro kuti izvitengese.

Raina Taruvinga akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court, Larzin Ncube, mashoko aya mushure mekunge amhan’arirwa nemurume wake, Edward Mupfundi uyo ari kumupomera mhosva yekumushungurudza. Mupfundi anoti Taruvinga ari kumuonesa pfumvu kumba zvose nekubasa.

“Changamire, ndauyawo pano nemukadzi uyu, mudzimai wangu asi ane hunhu hwakashata chaizvo. Anondishungurudza zvekuti ane tsika yekubvarura hembe dzangu tikangonetsana uye anoudza vana kuti vanditevere kwese kwandinenge ndichienda. Izvozvi akadzinga mumwe mwana wangu,” anodaro Mupfundi.

Anoti mudzimai wake ane tsika yekuuya kubasa kwake achiita mhirizhonga.

“Anouya kubasa kwangu achiita mhirizhonga uye achiudza vakuru vangu kuti ndiri mbavha, ndinoba zvinhu pabasa zvinova zvave kunditadzisa kushanda zvakanaka. Zvakare, anoudza vamwe vandinoshanda navo kuti ndakamuzadza chirwere. Hama dzangu chaidzo haadi kudziona saka ndibatsireiwo ishe wangu,” anodaro murume uyu.

Taruvinga anopikisana nemurume wake achiti: “Ndinopikisana nechikumbiro chavo baba ava, havandipe mari yechikafu saka ndichizoenda kubasa kwavo. Taifanira kunotorwa ropa asi akaramba, ndipo pandakazoona kuti akandizadza chirwere.

“Mwana handina kumudzinga ini, ndiye akamuti aende kunogara kwatete. Panyaya yekuba iyi, ehe ndakavaudza vakuru vake nekuti imbavha hakusi kunyepa. Uyezve ndinorwadziwa kuti zvimwe zvinhu zvacho zvaakaba akazvipa shamwarikadzi yake kuti izvitengese, saka ndakanovaudza,” anodaro.

Mutongi Ncube akapa Mupfundi gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *