Murume wehuku akoromora imwe

Liberty Dube

MURUME anogara kwaChigodora, kwaMutare — uyo anova muridzi wejongwe rehuku rakaruma mumwe mudzimai weko achibva afa nguva yadarika — akoromora imwe itsva.

Apo asati azvichenura mudare raMambo Zimunya umo ari kudiwa kuti atsanangudze kuti yake ihuku hwai inojobora munhu achibva afa, Zvikomborero Takarinda atarisana nemhosva itsva yekuba magwenya maviri emoto wezuva (solar panels) emurimi wekuVumba, VaGraham Wilson.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika kunzvimbo yeCloudlands iri kuVumba.

Vanoti Takarinda ari kupomerwa kubira VaWilson masolar panel avo maviri apo anonzi akapinda muchivanze chavo nepaburi rewaya yeruzhowa yakakomberedza nzvimbo iyi.

Takarinda akasungwa uye masolar panel maviri aya akawanikwa. Murume uyu achamiswa zvakare mudare raMambo Zimunya, kwakare kwaMutare, kuti atsanangure zvakaitika apo jongwe rake rakakonzera rufu rwaChandapiwa Makaza mushure mekunge ramuruma.

Vakafanobata chigaro chaMambo Zimunya vanoti vachapa Takarinda masamanisi ekuti aende kudare ravo kunotsanangura kuti jongwe rake rakaruma sei mudzimai uyu zvakaita kuti azofa.

“Hataikwanisa kugara matare edu nguva yadarika nekuda kweCovid-19, asi zvinhu zvave kuenda zvichiita zviri nani maererano nebasa redu.

“Tinoda kuziva zvakadzama pamusoro penyaya iyi. Vanhu vakawanda vanofunga kuti nyaya iyi yakapera, asi kwete tinoda kuiongorora nekuinzwa zvizere. Zvakaitika izvi chipini. Nyaya iyi inofanirwa kutongwa,” vanodaro mambo.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×