Ogara achibuda honye nehurwa…murume wangu akakonzeresa

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki anogara mumusha weZengeza 4, kuChitungwiza, anoti atambura nechirwere chenjovhera icho anoti akatapurirwa nemurume wake uyo akabva azopata musha achimusiya oga.

Tsitsi Chizengeya, uyo kumusha anobva kuEmpress, anoti asvitsa gore achiyaura nechirwere chenjovhera icho chasiya adambuka-dambuka nyama dzesikarudzi yake uye anodhubhuka hurwa nehonye.

“Ndakuvara nesiki iyo ndakapihwa nemurume wangu Hanan Motsi (32) uyo akanditiza nemwana ndokuenda kunogara nevamwe ambuya vake kwaChirimamhunga, kwaSeke. Ndine mwana mumwe chete naye ane gore nemwedzi 8 yekuberekwa.

“Ini ndiri pamapiritsi, izvozvi ndave kutogara nevamwe mbuya vakangonditorawo mumugwagwa ndokundipa imba yekurara,” anodaro Chizengeya.

Mudzimai uyu anoti akaroorwa mugore ra2016 apo murume wake akazotanga kurwara nenjovhera yakaramba kurapika kusvikira azotiza pamusha achimusiya nemwana.

“Murume wangu ndiye akatanga kurwara nenjovhera ini ndikamuti tiende kunorapwa kuchipatara asi iye akaramba. Akazonditiza mwedzi wakapera (Gunyana) apo taigara muno muZengeza 4 pamba patairoja.

“Ini handina kumwe kwekuenda sezvo vabereki vangu vakashaya. Ndaifamba ndichitsvaga mabasa emaoko ekuwacha nekukorobha mudzimba apo ndakazonhongwa nambuya vave kundichengeta.”

Chizengeya anoti amai vemurume wake vakaenda kuSouth Africa uko vari kushandira uyewo tezvara vake vakashaika.

“Upenyu hwangu hwakabatwa nagogo vandiri kugara navo,” anodaro Chizengeya.

Anoti ava kugara achinhuhwa nekuteverwa nenhunzi nekuda kwehurwa nehonye zvinobuda paari.

“Pane mishonga inodiwa kuti ndigezese maronda aya asi handina mari yekuitenga. Ndinongoageza nemvura isina sipo kana mishonga.” 

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waChizengeya sezvo nhare dzake dzaisabatika apo akafonerwa kakawanda.

Vanoda kubatsira Chizengeya vanomubata panhare dzinoti 0777 169 791.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×