Malven Mugadzikwa
MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors, Callisto Pasuwa, anoti vatambi vanofanira kusiyana nezvinodhaka sezvo zvichikanganisa matambiro avo pamwe nekudzikisira mutambo uyu. Pasuwa akataura mashoko aya svondo rapera kuGuruve, kuMashonaland Central, apo akange ari muenzi anoremekedzwa pamutambo weEdzai Kasinauyo Football Tournament.
Mutambo uyu wakatsigirwa naEdzai Kasinauyo uyo anove nhengo yevatungamiriri veZimbabwe Football Association (ZIFA) uye waive nezvikwata 20 zvinoti 18 zvevakomana nezviviri zvevasikana vemapoka eUnder-13 neUnder-15.
“Nyaya yekutora zvinodhaka kuvatambi venhabvu inoda kugadziriswa nekuchimbidza. Zvinonetsa nekuti vamwe vari kutanga vachiri vadiki. Munhu akapinda mubhora akadhakwa zvinoita kuti asatambe zvakanaka.
“Kupinda munhabvu wakadhakwa handiko kunoita kuti munhu agone bhora. Zvinodhaka zvinovatadzisa kuti vabate izvo zvavanenge vachidzidziswa nekuti mupfungwa dzavo munenge makazara doro chete nezvimwe zvinodhaka. Kudzidzira nhabvu kunoda nguva refu uye nemunhu akachena,” anodaro Pasuwa.Anoti kune vamwe vatambi vanoputa mbanje vachiti ndizvo zvinoita kuti vanyatsoona bhora zvakanaka zvinove zvisiri izvo.
“Tinoona dzimwe nguva vamwe vanenge vakaiswa muchikwata chekutanga nekuda kwekudhakwa vanozobviswa zvinova zvinokanganisa matambiro avo uye kuti timu isahwinha.”
Pasuwa anoenderera mberi achiti mitambo yakawanda yevechidiki inofanirwa kugara ichirongwa sezvo zvichisimudzira nhabvu munyika.
Anotizve shasha dzakamboita mukurumbira saKasinauyo dzinofanira kubatsira zvikuru mukusimudzira nhabvu yevechidiki.
“Chinhu chakanaka kuti vanhu vakambotamba nhabvu vasimudzire mutambo uyu. Zvinotibatsira kuti tikwanise kuona vanogona bhora. Senyika tiri kuita dambudziko rekushaya vatambi vanonyatsogona nekuti vamwe vacho havana mikana yekuratidza zvipo zvavo.
“Kuburikidza nemitambo yakadai, tinokwanisa kuona zvipo kubva kuvatambi venhabvu vechidiki vari kusimukira,” anodaro Pasuwa.
Mashoko ake akatsinhirwa naKasinauyo achiti ane shungu yekusimudzira nhabvu yevechidiki.
“Mutambo wenhabvu muno unoda kusimudzirwa zvakasimba. Vakawanda vechidiki vane chipo asi vari kushaya anovasimudzira.
“Mutambo uyu ndakautanga nechinangwa chekuvaka matarenda evatambi vechidiki uye ini hangu ndinoda chaizvo kushanda mukusimudzira vatambi vechidiki. Kuti tigove nevatambi vachamirira nyika yedu mune ramangwana, vanofanirwa kutanga kubikwa vachiri vadiki,” anodaro.
Zvakadaro, chikwata cheMachuba ndicho chakahwina mukombe muboka reUnder-13, cheBlue 1 chikatora mukombe muboka reUnder-15 kuchitiwo Bepura Queens ndiyo yakahwinha mukombe kuvasikana.
Vamwe vaivepowo pakutsigira mutambo uyu vanosanganisira shasha dzakambotamba nhabvu dzakaita saStewart Murisa, Shepherd Muradzikwa, Peter Ndlovu nemuraidzi weDynamos, Tonderayi Ndiraya.



