Kingstone Mapupu
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti kusanaya zvakanaka kwemvura kumativi mana enyika kubvira pakutanga kwemwaka uno kunogona kunge kuri kukonzerwa nekusatevedzwa kwetsika dzechivanhu pamwe nekutyorwa kwedzimwe mhiko neveruzhinji. Mwaka uno weZhizha mvura haisati yanaya zvakanaka uye vanoona nezvemamiriro ekunze vanoti izvi zviri kukonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze, “climate change” pachiRungu.
Asi vanoziva nezvechivanhu, avo vagara vachiti mvura inonaya nekuda kwetsika nemhiko kwete nekuda kwemamiriro ekunze, vane mamwe maonero.
Kubva pasichigare, pane zvinoitwa pachivanhu semukwerera kana kuti chipwa, senzira yekukoka mvura.
Masvikiro anonzi anokwanisa kufanoona mamiriro emwaka, kuti kune maguta here kana kuti kwete, mwaka wacho usati wasvika.
Kwayedza yakatsvaga maonero echivanhu munyaya dzekuna kwemvura.
Sekuru Elisha Mutanga (60), avo vanogara mumusha weUshewokunze, muHarare, vanoti tsika dzechivanhu dzarasika sezvo kusisaitwe mikwerera kana mapira ekuti mvura inaye sezvaiitwa kare.
“Nyanzvi dzemamiriro ekunze vanhu vakaenda kuchikoro, vanogona kushandisa michina inoona kuti mangwana kuchange kwakadii. Asi izvi zvakagara zvichiitwa nemakombwe kubva pasichigare apo vanhu vaiti vachibva kudoro rekukumbira mvura, vaibva vanaiwa ipapo,” vanodaro.
“Mvura imhepo, saka hazvina pazvinopesana nenyikadzimu kureva masvikiro, midzimu nemakombwe. Tinawo masvikiro anokutaurirai kuti nhasi chaiye kana mangwana mvura inonaya.
“Saka tinoti isu dai vezvemamiriro ekunze vakapota vachishanda nemasvikiro munoona zvinhu zvichizofamba. Dambudziko raita kuti mvura isanaye kutyorwa kwetsika dzepasichigare.”
Sekuru Mutanga vanoti kare paitanga mwaka woga-woga nekupera kwayo, kwaibikwa doro rekutenda midzimu uyewo zvirimwa zvemiminda zvaitanga kudyiwa nemasvikiro.
“Mwari tinotaura navo semasvikiro pachivanhu. Ndokusaka maiona pasi pemuhacha pachibuda sadza nekumwe kudya. Nhasi hakuchaitwa mikwerera, hanzi ndezvemadhimoni. Mapira hakusisina, doro remvura harichaitwa, vanhu vave kungoti tinoenda kumachechi saka mave kuona nyika yapinduka,” vanowedzera vachidaro Sekuru Mutanga.
Vanokurudzira kuti mudunhu ramambo woga-woga mupote muchiitwa mapira ekukumbira mvura kuchishandiswa masvikiro nemakombwe enzvimbo idzodzo.
“Mapira iwaya anofanirwa kuitwa nevanhu vakachena, vasina ropa mumawoko sezvo mazuva ano humwe humambo nehushe huri kugarwa nekuromba zvoita kuti vasvibe,” vanodaro. Vanowedzera vachiti nyika ikaita nzara panoita kusagadzikana kwezvinhu.
“Kuuya kwehondo munyika nekuuya kwemaguta nenzara kana zvirwere nezvimwe zvaifanodudzirwa nemasvikiro anova midzimu inoyera. Saka hatidzokerei patsika dzedu dzakare kwete kutevedza tsika dzevamwe.”
Mashoko aSekuru Mutanga anotsinhirwa naSekuru Bonface Katerere vekuUzumba vachiti pane zvakawanda zviri kukanganiswa pachivanhu izvo zviri kutadzisa mvura kunaya.
“Tine nzvimbo dzaiteurirwa midzimu dzakaita semakomo nemapako uko tainopira. Nhasi uno kwava kuwanikwa vanhu vachiitira masowe avo ikoko. Kana makunakuna ari kuitwa munyika, baba nemwana, sekuru nemuzukuru uye muroora navatezvara vari kudanana. Zvino mvura inganaye here, ihwo humhondi huri kuitwa uhwu?
“Hatishore nyanzvi dzezvemamiriro ekunze asi tinoti ngatishandei tose nemasvikiro nemidzimu,” vanodaro Sekuru Katerere.
Sekuru Jonathan Shonhiwa Mupamombe (50) vekuTshovani, kuChiredzi, vanoti nyika haimbofa yakabudirira kana pasina kutevedzwa chivanhu.
“Kare kwainzi chimera chekubika doro rekukumbira mvura chaingonoiswa paruware mvura yaichinyika yaiita zvekunaya. Pakunoomeswa kwaiita chimera ichi zuva raibuda uye pachinokuiwa mvura yainaya zvakare. Paiitwa mutambo uyu, mvura yairarira ichinaya kureva kuti masvikiro anotaura naMwari,” vanodaro Sekuru Mupamombe.




