Musambo wechitendero ucharamba uripo: Charles Charamba

Tafadzwa Zimoyo

KWEMAKORE akawanda, ndiye ange ari chiso pamwe chete nemazwi emusambo wechitendero muZimbabwe.

Parizvino, shasha iyi — Charles Charamba — anoti musambo uyu, uyo akazvipira kuimba muupenyu hwake hwose, uri kuramba uchisimba uye hauzi kutaridza kudzikira.

Muimbi uyu anotenda kuti musambo wechitendero hausisiri mhanzi njee asi kuti uri kusimudzira upenyu hwemarudzi nemarudzi evanhu.

“Musambo wechitendero muZimbabwe wadzika midzi kwenguva yakareba uye hauzi kuzodzekera kumashure,” anodaro Charamba.

“Wakura uye wakamirirwa mumazera ose, mumatunhu nemumachechi akasiyana. Mhanzi yechitendero imhanzi yanhasi nemangwana.”

Mashoko emuimbi ane mukurumbira uyu ari kutaurwa panguva iyo akaziviswa kuti mumwe wevacharidza padopiro reJuly Worship Music Festival iro riri kukotsverwa naMinister Michael Mahendere uye richaitirwa paGlamis Arena, muHarare.

Charamba anoti chiitiko ichi chakakosha pakarenda rezvemimhanzi yechitendero.

“Pachange pane vaimbi vanoshamisa. Ndinopa kutenda kuna Minister M Mahendere nechikwata nekutikoka. Munhu wose anowana zvaanoda. Hachizi chiitiko chekuti munhu anofanirwa kushaikwa,” anodaro.

Dopiro iri rasimukira zvakanyanya kuve rimwe remakungano makuru ekurumbidza Mwari, richipindwa nezviuru nezviuru zvevanamati pagore.

Kunyangwe zvazvo vaimbi vane mukurumbira vakawanda vachitya kuti vaimbi vari kusimukira vanogona kuita zvinorova kuvadarika, Charamba ane muono wakasiyana.

Kunze kwemakwikwi, anoona mukana wekushanda pamwe chete.

Charamba anoti anonzwa manyukunyuku nevechidiki vane chitsama vari kuimba musambo wechitendero uye ane tarisiro yekuti vazoimba pamwe chete.

“Kunyangwe zvazvo takawana mukana wekugara nguva yakareba mumhanzi yechitendero, hatirambe tiri pane zvekare.

“Unenge uri mufaro kushumira takabatana, sechikwata nevechidiki.

“Tiri kungotaridza izvo Mwari vakaisa matiri, mhanzi inoramba kupera. Yakare neyanhasi,” anodaro.

Mashoko ake anotambirwa nevatsigiri vakawanda vemhanzi yechitendero avo vanomuona semumwe wekutanga pane vakabatsira zvakanyanya mukusimudzira musambo uyu.

Nerimwe divi, muvambi weJuly Worship Music Festival, Minister Michael Mahendere, anoti chinangwa chikuru ndechekubatanidza vanamati kuburikidza nekurumbidza Mwari uye kuti pave neshanduko inobatika muupenyu.

“Dopiro iri donzvo raro kubatanidza vatendi vanobva kwakasiyana-siyana pamwe chete nemachechi kuburikidza nekurumbidza Mwari.

“Tinoda kuti vanhu vanzwe huvepo hwaMwari apo panguva imwe chete iyi vanenge vachipemberera chipo chemhanzi yechitendero,” anodaro.

Related Posts

Maminitsi 30 murume achirwisana negarwe

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 31 okuberekwa anogara kuKingsdale, kuNorton, uyo anoti akarwisana negarwe kwemaminitsi makumi matatu, ari kutsvaga rubatsiro rwemari inodarika US$1 000 yokuti arapwe zvichitevera kutyorwa kwaakaitwa maoko…

Kambo ‘Tiri Vana vaMambo’ kosimudzira vakawanda

Mbulelo Mpofu KAMBO kemuimbi wemusambo wechitendero ane mukurumbira — Everton Mlalazi — ako kanonzi ‘Tiri Vana vaMambo’ kakadzama uye kanoyeuchidza vanamati kuti ndivanani munaMwari. Kane mashoko ari pamusoro pekupa tariro…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×