Trust Khosa
FELISTUS “Feli Nandi” Chipendo anoti haafarire kunzwa achinzi “muimbi wechidzimai akabudirira”.
Muimbi uyu, uyo ane zvipo zvakasiyana-siyana, anoti matauriro akadai ane zvimwe zvakavanzika zviripo uye zvinogona kureva kuti budiriro yake iri kubva pakuti munhukadzi kana kuti anozwirwa tsitsi, kwete kuti anogona.
Feli Nandi anosimbisisa kuti anoda kuonekwa semuimbi sezvinoitwawo vamwe vake.
Akataura mashoko aya padopiro re2025 Kadoma Music Festival iro rakaitirwa paOdyssey, apo akataridza hunyanzvi hwake zvemhando yepamusoro-soro.
“Hazvina zvazvinoreva kwandiri kana vanhu vachiramba vachitaura nezvangu vachinditi ‘muimbi wechidzimai akabudirira’ nekuti zvine chimwe chirevo chakavanzika kana ukanyatsonzvera,” anodaro.
“Chandinotanga kufunga nezvacho ndechekuti vanhu vakawanda vanoona sekuti tinoitirwa tsvete nekuda kwekuti tiri vanhukadzi kana kuti hatinyatsogona.
“Izvi zvange zvichindirwadza zvakanyanya kwemwedzi yakawanda nekudaro ndinoda kuzivikanwa semuimbi akasimukira kuburikidza nekushanda nesimba kwete kuti ndiri munhukadzi. Ndange ndichisimukira zvakadzikama kwemakore adarika uye chikonzero ndechekushanda kwangu nesimba kwete kuti ndiri munhukadzi.”
Muimbi uyu, uyo akaita mukurumbira nenziyo dzinosanganisira “Mubayeyi”, anoti haafare zvachose nezvaanonzwa zvichitaurwa pamusoro pevaimbi vakaita saiye uye nekutarisirwa pasi.
“Tinofanirwa kusiyana nehunhu hwekutarisira vaimbi pasi uye kuvaona sevanhukadzi kana vanhurume.
“Seni, ndange ndichishanda nesimba kusvika pandave iye zvino uye ndicharamba ndichidaro kuitira kusimukira kwebudiriro yangu. Ndinoda kuzoyeukwa nekuda kwebasa guru ratakaita kwemakore adarika,” anosimbisisa.
Akaudza Zimpapers Arts and Entertainment Hub kuti kuramba kwake akatsungirira kunobva pakushanda nesimba uye kubatana nevamwe vaimbi.
“Ndiri munhu anotara zvinangwa zvangu uye handinyadzise kana pari panyaya yekuzadzikisa zvinangwa zvangu.
“Chimwe chezvinhu chandaita makore adarika, kuona kuti ndazadzikisa zvinangwa zvangu kuburikidza nekushanda nevamwe uye nekujekesa hurongwa hwangu. Ndinoona kuti ndaita zvinodiwa mukuzadzikisa zvinangwa zvangu uye zvimwe zvose zvinozotevera mushure zvinenge zvave bhonasi rangu nechikwata changu.
Semunhu ane matarenda akasiyana-siyana ayo anosanganisira kuimba, kuita zvemucheno nekudzidzisa vamwe, anoti anoona kuti zvinoda kushanda nesimba kuti pave nebudiriro inoendeka.
“Kukutaurira chokwadi, ndine hurongwa hwakajeka pamusoro pezvandinofanirwa kuita uye ndiri kuzvizadzikisa zvisinei nezvimwe zvigozhero. Sezvandambotaura pakutanga, handishande ndoga, ndinotsigirwa nechikwata chakazvipira uye takwanisa kuwana budiriro yose iyi sechikwata chinoshanda nesimba,” anodaro
Kufunga kuti akatanga ari pasi-pasi, muimbi uyu, uyo aimboimba nechikwata cheMhodzi Tribe uye ari mutambi zvekare, nhasi uno akakunda zvimhingamipinyi zvaaisangana nazvo.
“Ndinogara ndichizviudza kuti pane zvose zvandinoita zvinofanirwa kuve zvemhando yepamusoro nekudaro izvozvo zvoga zvinondisunda kuti ndive ndinobudirira.
“Ndakatangira pasi-pasi uye ndakave nemwoyo murefu, ndichiziva kuti nguva yekuti nyenyedzi yangu ipenye ichasvika chete.
“Mushure mebudiriro iyi, ndinonzwa kuti ndinofanirwa kuramba ndichishanda nesimba ndigoverengwa pakati peshasha,” anodaro.
Mumakore mashanu adarika, Feli Nandi akaimba nezvikwata zvakasiyana-siyana uye ndokuzoenda kuchikwata chaAshton “Mbeu” Nyahora.
Vakashanda vose kwemwedzi ine chitsama asi pakupedzisira havana kuzowirirana apo akazodzingwa mushure mekutadza kunzwisisana.
Asi, vamwe vanhu vakange vaona tarenda rake achiri kuchikwata chaMbeu nezvimwe vakatanga kumutevera.
Shasha yekuita nyambo, Prosper “Comic Pastor” Ngomashi, uyo parizvino ave kugara kuUnited Kingdom, ndiye akazotanga kubika mavhidhiyo enziyo dzake pachena senzira yekumusimudzira.
Akatora chinzvimbo chakafanana nechehubaba pana Feli Nandi panguva iyo aingove muimbiwo zvake aitandanisana nezviroto zvake.
Pasina nguva, akange ave nemukurumbira, achihwinha mibairo kuNAMA neZIMA.



