Musangano wezvicherwa kuVic Falls

Muchaneta Chimuka
MUSANGANO wekutanga wemakurukota anoona nezvezvicherwa munyika dziri pasi pesangano remubatanidzwa weAfrican Union (Extra-Ordinary Session of the African Union Conference of Ministers), uyo wakananga kusimudzira nyaya dzeupfumi, uchaitirwa muZimbabwe yakabatana neZambia kubva neMugovera uno kusvika neChitatu chinotevera (Mbudzi 22 kusvika 26).
MuZimbabwe, uchange uchiitirwa kuVictoria Falls kozoti kuZambia unenge uri kuLivingstone.

Bazi rinoona nezvezvicherwa nekusimudzirwa kwazvo muno rinoti musangano uyu uchapa makurukota
aya mukana wekupangana mazano maringe nezvingaitwe mukusimudzira nyaya dzezvicherwa.

Mutungamiriri wenyika
President Mugabe ndivo vanotarisirwa kuvhura musangano uyu zviri pamutemo.
Pamusangano uyu, mitemo ine chekuita nenyaya dzezvicherwa ichange ichiongororwa kuti pasave nezvimhingamipinyi maringe nekuti
chikamu ichi chisimudzire upfumi hwenyika zvakazara.

Zvimwe zvichange zvichikurukurwa kuvandudzwa kwezvicherwa nechinangwa chekuti zvisangotengeswa
kune dzimwe nyika zvichisimudzira maindaisitiri neupfumi hwenyika dzekunze idzi.

Pachange pachitsvagwa nzira zvakare dzekuti chikamu chezvicherwa chinge chichibatsira zvikuru pakudyidzana munyaya dzeupfumi
pakati penyika dzemuAfrica.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×